Muchaneta Chimuka
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vari kuferefeta firo yeimwe harahwa ine makore 78 ekuberekwa yekuGweru iyo yakawanikwa yakafa mushure mekunwa hwahwa uye pane fungidziro huru yekuti rufu urwu rwakakonzerwa nekunwa doro remasese rakawandisa.
Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanotsinhira nyaya iyi vachiti yakaitika nomusi wa8 Gunyana.
Harawa iyi, Sekuru Sattulus Ncube, vanonzi vakaenda kuMboma Bar chinhambwe chemakiromita maviri kubva pamba pavo kunonwa zvavo doro.
“Hwave husiku kuma2000 hours, mwanakomana wavo ane makore 40 okuberekwa, uyo vaigara naye kumba, akaenda kubhawa uku achibva avatengera hwahwa hwemasese uye ndokuzovapa U$30. Nguva dzave 2200 hours, sekuru ava vakaonekwa vari parutivi rwemugwagwa vakadhakwa vachitokundikana kana kufamba,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanoti pazuva rimwechete iri, mutumbi waSekuru Ncube wakazoonekwa padyo nepanokwira nevanhu kuenda mudenga kudzimba dzemudurikidzwa paSection 7 Mtapa kuGweru.
“Mapurisa vakaenda panzvimbo iyi vakaona kuti mutumbi uyu wakanga uine furo raibuda mumuromo uye mumhuno. Tichiri kuita ongororo maringe nefiro yasekuru ava,” vanodaro.



