Harare ichavhara mvura

KANZURU yeguta reHarare iri kuzivisa veruzhinji kuti muzinda mukuru unochenesa mvura, weMorton Jaffray Water Treatment Plant, uchange wakavharwa kubva nemusi weChishanu 16 Zvita kutanga nenguva dza10 husiku kusvika 18 Zvita nenguva dza6 dzemangwanani.Kuvharwa kwemvura uku kuri kuitirwa kuti mabasa ekugadzirisa muzinda weMorton Jeffray ange achiitwa zvakanaka. Nokudaro vagari vemuguta iri vanokurudzirwa kuti vachengetedze mvura inovakwanira iyo vanozoshandisa panguva iyi.

Veruzhinji vari kukurudzirwa zvakare kuti vange vachikohwa mvura inenge ichinaya iyo vanozoshandisa mumabasa akasiyana epamba.

Kanzuru inokurudzirawo vanhu kuti vachengetedza mvura isangorasika zvisina tsarukano pamwe nekubhadhara mitero yemvura nenguva.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *