‘Kwayedza ine chekuita nekupaswa kweShona’

MUKURU wedzidzo kudunhu reManicaland, VaEdward Shumba, vari kutenda bepanhau reKwayedza nekusimudzira kwariri kuita zvidzidzo zveShona muzvikoro izvo zviri kuona vana vachibudirira pabvunzo.Sepabvunzo dzeGrade 7 dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) dzegore rino, VaShumba vanoti vana vechikoro vakabatsirwa zvikuru nezvinyorwa zvemuKwayedza.

Kwemasvondo maviri adarika, bepanhau rino range richiburitsa mibvunzo yakauya pabvunzo dzeO-Level Shona neyainge yambobatwa-batwa neKwayedza bvunzo idzi dzisati dzauya. Pamibvunzo yakawanda yegore rino, bepanhau rino harina kurasika mune zvarainge radzidzisa.

VaShumba vanoti gore rino vana vazhinji vakabudirira zvikuru mudunhu ravo muzvidzidzo zvakasiyana izvo zvinosanganisira Shona.

Vanoti chikoro chine vana vakanyanya kupasa Shona iChancellor Primary School iri maMutare, iyo pavana vakanyora bvunzo idzi, 88 vavo vakabuda nema1 unit kuShona.

Chancellor Primary, iyo ine vana 71 vakabuda nema4 units pazvidzidzo zvose, ndiyo zvakare yakakunda zvimwe zvikoro zvemuZimbabwe yose pakupasa bvunzo dzeGrade 7 dzegore rino.

“Chidzidzo cheShona chiri kupaswa zvikuru muzvikoro zvakawanda kuManicaland nekuda kwekushanda nesimba kwevadzidzisi nevana.

“Zvakare, bepanhau reKwayedza rinobatsira zvakanyanya mukudzidziswa kweShona yakanaka. Pavana vakanyora bvunzo paChancellor Primary School, 88 vavo vakabuda nema1 unit kuShona,” vanodaro.

VaShumba vanoenderera mberi vachiti: “Vana vechikoro vanofanirwa kuziva kuti chidzidzo cheShona chakafanana nezvimwe zvakaita seMathematics neEnglish.”

Vanotizve vana vari kubudirira zvikuru mubvunzo mudunhu ravo nekuda kwezvirongwa zvavari kuita zvekuvandudza dzidzo izvo zvinosanganisira zvekubatsira vana vanosaririra mukudzidza zvakaita sePerformance Leg Address Programme (PLAP).

“Chirongwa chePLAP chinobatsira vana vanenge vari kusaririra munyaya dzekuverenga nekunyora, chiri kutibatsira zvakanyanya zvinova zviri kuita kuti vana vatsvunhe chikoro.

“Zvakare, tine chirongwa cheEarly Reading Initiative icho chinobatsira mwana kubva ari mumagwaro ekutanga akaita seECD. Mwana anofanira kuva netsika yekuverenga nekuisa mabhuku pamoyo,” vanodaro.

VaShumba vanoti budiriro yedzidzo mudunhu ravo iri kuonekwa nekusimukira kuri kuita zvimwe zvikoro zvakaita seMagarati Primary School, icho chiri kuNyanga. Gore rapera, chikoro ichi chaive chisina kana mwana mumwe chete akabudirira pabvunzo dzeGrade 7 asi gore rino vana vepo vakapasa nechikamu che45%.

Vanotenda vadzidzisi nevana vechikoro vekuManicaland nekushanda kwavo nesimba pamwe nevabereki nekutsigira kwavari kuita dzidzo mudunhu iri. “Hatidzore tsvimbo zvekumhanya, ticharamba tiri pamusoro. Mamwe mapurovhinzi tevedzerai zvatinoita,” vanodaro VaShumba.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *