Harare yakahwapura mukombe weChess

PUROVHINZI yeHarare yakaita zvinorova mumakwikwi ezvikoro eZimbabwe Junoir National Chess Championship apo yakakumba menduru pfumbamwe nguva yadarika.

Harare yakateverwa neMidlands iyo yakahwinha menduru ina, Bulawayo neMashonaland Central ndokuwana menduru mbiri mbiri iyiwo Mashonaland East ndokuhwinha imwe chete.

Mitambo iyi yaive nechinangwa chekusarudza shangwiti dzemutambo uyu dzichanomiririra Zimbabwe kumakwishu eAfrica Youth Chess Championship kuPort Elizabeth, kuSouth Africa kubva musi wa21-29 Nyamavhuvhu.

VaProsper Zoto vanove mutevedzeri wasachigaro weZimbabwe Junoir Chess Association vanoti vanofara zvikuru kuti mitambo iyi yakafambira mberi zvakanaka.

“Vakakunda mumakwikwi aya vachaenda kunokwikwidza kuPort Elizabeth, South Africa uye tine shungu dzekusimudzira zvipo zvevadzidzi munyaya dzemitambo. Kuburikidza nemitambo, vana vanowana mabasa anoita kuti vakwanise kuzviriritira mune ramangwana,” vanodaro.

Mukuru wechikoro cheAlfred Beit High, VaKachana Banda, vanoti vanotenda zvikoro zvakakwikwidza pamwe nevabereki avo vakaita kuti mutambo uyu unge uchibudirira.

Mutevedzeri wemukuru weMupfurudzi Primary kuMashonaland Central, VaTinarwo Muzorori, – vari zvakare murairidzi nemuongoriri wemutambo uyu – vanoti vanofara zvikuru kuti chikoro chavo chakave chidadiso mumitambo yechess zvisinei nekuti chiri munzvimbo yekumaruwa.

“Ini ndinongonzwa manyunyuku nekugona chess kuri kuitwa nevadzidzi nekuti zvinoratidza kuti vane shungu dzekuti vange vachionekera. Pachikoro pedu tine vadzidzi vatatu vakakunda avo vachaenda kunokwikwidza kuSouth Africa vanoti: Ropafadzo Mandizha, Kunashe Muzorori naPanashe Zimbili uyo achanokwikwidza kumaUnder 14 Girls. Zimbili akahwinha zvakare mumakwikwi akaitwa kuMatopos High uko akasarudzwa kuti ange achienda kunyika South Africa kunokwikwidza,” vanodaro. Zvakadai, vanoti vari kutsvaga rutsigiro rweUS$3 500 yekuti vakwanise kuenda kuSouth Africa kunokwikwidza.

Related Posts

Keith Moyo otevera matsimba ababa

Abel Ndooka MUTAMBI wenhabvu wechidiki ari kusimukira — Keith Moyo (13) — ari kutevera mumatsimba ababa vake, Godfrey “Goda” Moyo, avo vakaita mukurumbira vachitambira zvikwata zvinosanganisira Motor Action, Lengthens nemaWarriors.…

Mai Nyamande vodzidzisa vechidiki . . . vakaimba kambo ‘Waita Mari’ naTocky Vibes

Abel Ndooka MUIMBI wechitendero Sidiya Sande, uyo anonyanya kuzivikanwa saMai Nyamande, akabura dambarefu rake rokutanga rinonzi “Waita Mari”, iro rinodzidzisa vanhu kuti vazvininipise. Dambarefu iri rine nziyo dzinosanganisira “Waita Mari”,…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×