Vana vodyiswa zvemumabhini

Gabriel Singano
VAKADZI vaviri vanove vavakidzani vakatsvukisirana maziso pamberi pedare vachipomerana nyaya dzehuroyi pamwe nekudyisa vana sadza remubhini.

Beauty Muzvidzwa akaendesa Perseverance Takadiwa kuHarare Civil Court achiti anotuka mwana wake ndumurwa pamwe nekuvhura bhini kuitira kuti adye sadza rinenge rakarasirwamo.

“Changamire, mukadzi uyu anotuka mwana wangu zvinyadzi apo mwana wacho mudiki zvokusatonzwa zvaanotukwa asi ini ndichingonyarara.

‘‘Ndakasarudza hangu kuti ndimubvise patinogara kuti aende kunogara kumusha kune vabereki vangu.

‘‘Pari zvino haanete kugara achingondituka saka dai maedza kuti mukadzi uyu asandishungurudza,” akadaro Muzvidzwa.

Takadiwa akapokana nemashoko akataurwa naMuzvidzwa ndokumupomerawo mhosva yekuti iye ndiye aitodyisa mwana wake chikafu chomubhini.

“Ndinoshamisika chose kuti amai ava vari kutsvaga gwaro redziviriro vachiti ndinoshungurudza mwana wavo uye kuvatuka asi ndivo vanotondituka vachinditi muroyi.

‘‘Wangu mwana ndiye wavanotovhurira bhini ratinorasira marara kuti adye chikafu chinenge chirimo nokuti wake akaendesa kumusha achiti ini ndiri muroyi uye ndingazomudya,” akadaro Takadiwa.

Mutongi Barbra Mateko akapa gwaro redziviriro kuna Muzvidzwa ndokuti vaviri ava vanofanira kugara munyararo.

Related Posts

Mutumbi wanhongwa mumugwagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemutumbi wemurume asina kuzivikanwa kuti ndiani uyo wakawanikwa mumugwagwa Elly kuKwekwe. Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands Inspector Emmanuel Mahoko vanoti…

Mutupo Festival younza mimhanzi nekuzivikanwa pamberi

Munyori weKwayedza MUTUPO unogona kuvhura hurukuro, kubuditsa ukama nekushandura mutorwa kuva hama. Mwedzi waGumiguru uno, pfungwa iyoyo yekuve vemhuri imwe chete inenge iri pakati pedandaro paMhemberero yeMutupo (Mutupo Festival), iyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×