Hatichashevedzi Williams zvakare: ZC

Abel Ndooka

SANGANO reZimbabwe Cricket (ZC) rakazivisa kuti harichashevedzi zvakare mutambi Sean Williams kuti atambire chikwata chenyika chemaChevrons zvichitevera kubuda kwaakaita machiri mushure mokunge azivisa kuti ainge achitambudzika nekutora zvinodhaka zvisingatenderwi mumuviri.

Williams anonzi akazivisa ZC panguva iyo maChevrons ari kugadzirira kutamba mitambo yekurwira kuenda kuWorld Cup kuti haasi kukwanisa kutambira chikwata ichi apo iye nevamwe vatambi vose vange vachifanira kuzovhenekwa miviri yavo kuti zvionekwe kuti havasi kutora zvinodhaka here.

Naizvozvo, Williams anonzi akabva ati haasi kukwanisa kutamba uye anoda kuenda kunobatsirwa kuti asiyane nekutora zvinodhaka.

Muchinyorwa chakabva kuZC, sangano iri rinoti pakaitwa tsvakurudzo, Williams akataura ega kuti ange achitambudzwa nekutora zvinodhaka, ndokuzvipira kuti azoende kunobatsirwa.

ZC inoti inotarisira kuti vatambi vose vachengetedze unhu hwepamusorosoro uye vagofambira mberi maringe nemutemo wokuti havatori zvinodhaka zvisingatenderwi mumuviri.

“Mushure meongororo izere, ZC yatora danho rokuti Williams (Sean) haachashevedzwi zvakare kuzotambira chikwata ichi.

“Tichitarisa nhoroondo yaWilliams, tinoona kuti inorakidza rekodhi yeunhu husina kunaka, uye kumbotadza kuuya kuzotamba mitambo, izvo zvaikanganisa chikwata negadziriro dzacho.

“Naizvozvo, hatikwanisi kuramba tichishanda tose kubva pachapera kondirakiti yake musi wa31 Zvita 2025.

“Tisingatarisi zvakawanda, ZC inorangarira basa raakabata mumutambo wecricket muZimbabwe mumakore adarika,” inodaro ZC.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *