Hatidi rusarura kuvana: Dokora

BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari rinoti rakatanga chirongwa chekuvandudza ruzivo rwevarairidzi nedonzvo rekuti vakwanise kudzidzisa vana vakaremara pamwe chete nevasina zvine hunyanzvi.
Gurukota rebazi iri, Cde Lazarus Dokora, vakataura mashoko aya svondo rapera mudare reNational Assembly apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weBuhera South mudare iri, Cde Joseph Chinotimba.

Cde Chinotimba vaida kuziva kana muzvikoro, kunyanya zvekumaruwa, muine zvivakwa zvinoita kuti vana vanorarama nehupofu kana vakaremara mitezo vadzidze pasina zvimhingamipinyi.

Cde Dokora vakati hapana rusarura panyaya yefundo kuti mwana akaremara mitezo here kana kuti kwete uye kune zvimwe zvikoro vanodzidza vakasangana.

“Kune zvikoro 33 zvinotora vana vakaremara mitezo, vanorarama nehupofu nevasinganzwe apo vanodzidza vakasangana nevamwe.

“Mubazi redu tiri kuvandudza ruzivo rwevadzidzisi kuitira kuti vakwanise kudzidzisa vana ava vakasangana pachikoro chimwe nechimwe. Kana izvi zvapera, mudzidzisi ane mwana akaremara anenge ave kukwanisa kuita basa rake zvine hunyanzvi,” vakadaro Cde Dokora.

Vakakurudzira veruzhinji kuti vasatarisire pasi vana vakaremara asi kuti vavatsigire nekuona kuti vawana kodzero yekudzidza.

“Ndinoona kune vamwe vana vakaremara mitezo vasingaenda kuchikoro nekuti vabereki vavo vanenge vachinyara kana kuti vanofunga kuti vana ava havabatsire. Nhengo dzedare reParamende dzinofanira kubatsira panyaya iyi kumatunhu avo nekukurudzira vabereki kuti vaendese vana vavo kuchikoro,” vakadaro Cde Dokora.

Vakati zvakakosha kuti sezvo vana vane makore mana ekuberekwa vachienda kuchikoro chevadiki, cheECD, zvivakwa zvacho zvivandudzwe kuitira kuti vana vanorarama nehurema vadzidze pasina dambudziko.

“Ndinoda kuti nditi kuvandudzwa kwezvivakwa chirongwa chagara chiripo, chiri kuenderera mberi,” vakadaro Cde Dokora.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×