Abel Ndooka
SANGANO rePremier Soccer League (PSL) royambira zvakasimba zvikwata zvose zvinokwikwidza muCastle Lager Premiership kuti unhubu hausi kuzotenderwa kumitambo yakasiyana-siyana uye vanobatwa nemhosva vachatorerwa matanho akakodzera.
Izvi zvinotevera nyaya dzange dzichinetsa kumitambo yakatsaukana-tsaukana, dzinosanganisira kukanda matombo munhandare, izvo zvange zvichizotadzisa kuti mitambo ipere zvakanaka dzimwe dzenguva.
Mutauriri wePSL, Kudzai Bare, svondo rino akanyorera kuzvikwata zvose achiyambira kuti ibasa razvo kuona kuti vatsigiri havaiti unhubu kana vari munhandare.
Bare anoti izvi zvakakosha kuitira kuchengetedzwa kwevatambi, varairidzi uye naivo vatsigiri vacho zvakare.
“Premier Soccer League yakaona zviitiko zvinosuwisa zvakadai sekukandwa kwezvinhu zvakasiyana-siyana zvinokuvadza munhandare uye vanhu vachipinda munhandare mavasingatenderwi.
“Tinoda kuzivisa zvikwata nevatsigiri venhabvu kuti unhu hwakadai hunotorwa sekutyora mutemo; hazvitenderwi; hazvigamuchirwi uye hazvitarisirwi.
“PSL ichatora matanho akasimba maererano nemitemo yayo kuti zvakadai zvipere.
“Kuchengetedzwa kwevatambi, vatungamiri nevatsigiri zvimwe zvezvinhu zvatinokoshesa. Nhabvu mutambo wemhuri, nokudaro takazvipira uye tinoda kuona uchitambwa munzvimbo yakasununguka, ine mufaro,” anodaro Bare.
Anoenderera mberi achiti zvikwata zvose zvine basa guru rekudzidzisa vatsigiri vazvo zvinhu zvinotenderwa kumitambo uye kutora matanho ekuona kuti mitemo iri kutevedzwa.
“Tinokurudzira zvikwata zvose kuti zvirambe zvichikurudzira vatsigiri vazvo pamusoro peunhu nemaitiro anotenderwa kumitambo. Tiri kukurudzirawo vatsigiri zvakare kuti vachengetedze unhu chaihwo kumitambo, vakoshese mitambo uye matambirwo aunenge uchiitwa kuitira kuti nhabvu irambe ichibatanidza mhuri dzinobva munzvimbo dzakasiyana-siyana,” anodaro Bare.
Zvakadaro, svondo rino shasha yePSL, Simba Bhora, iyo iri kutungamira palogo, ichange iri pamusha payo kuWadzanayi, kuShamva, uko ichasangana neKwekwe United musi weMugovera. Nerimwe divi, Scottland FC ichatatsurana neHerentals FC musi weMugovera zvakare kuRufaro Stadium muHarare.
Dynamos FC, iyo yakazvambaradza Kwekwe United 3-0 svondo radarika, ichange iri pamusha kuRufaro musi weSvondo, ichitamba neBoys Dzenharo, GreenFuel FC.
FC Platinum, iyo yakarohwa neTriangle United 2-0 svondo radarika, ichange iri pamusha payo kuMandava Stadium ichidamburana neCAPS United, iyo masvondo adarika yange ichidzikira palogo.




