Sikhumbuzo Moyo
ZVIMWE zvizvarwa zvemuZimbabwe zviri kudzoka kubva kuSouth Africa zvinoti hazvife zvakadzokera zvakare kunyika iyi, vachitsanangura kushungurudzwa kwakanyanya kwavakasangana nako izvo zvakazovamanikidzira kudzoka nechimbi-chimbi.
Vanoyambira zvakare kuti mapurazi akawanda ekuSouth Africa anogona kusangana nedambudziko rekushomeka kwevashandi zvichitevera kubva kwakaita zviuru nezviuru zvevashandi avo vaibva kunze.
Muhurukuro neZimpapers, apo vaigamuchirwa pamuzinda weUnited Congregational Church of Southern Africa (UCCSA) kuNjube, kuBulawayo, nemusi weChina svondo rino, vamwe vevari kudzoka ava vanoti mapurazi makuru akawanda ekuSouth Africa aipona nevashandi vekunze, kunyanya zvizvarwa zvemuZimbabwe.
Vanhu ava vamwe vezviuru nezviuru zviri kudzoka kubva kuSouth Africa zvichitevera kushungurudzwa kuri kuitwa zvizvarwa zvekunze kunyika iyi avo vari kupomerwa kuti vakagaramo zvisiri pamutemo.
VaWiseman Mlilo vanobva kuTshefunye, kuTsholotsho, avo vaishandira kuLimpopo Province, vanoti vakarasikirwa nezvinhu zvose zvavaiva nazvo apo vakamanikidzirwa kutiza kunyika iyi vasina kuzvigadzirira.
“Handife ndakadzokera kuSouth Africa. Zvandakasangana nazvo zvinoshungurudza zvakanyanya. Ndakasiya midziyo yangu yakadai semasofa, firiji nemabhasikoro izvo zvose zvakatorwa nechisimba nekuti ndaive ndisina nguva yekugadzirira,” vanodaro.
VaMlilo, avo vanove muvaki akadzidzira basa, vanoti nyaya dzekurima kuSouth Africa dzinogona kukanganiswa zvichitevera kubva kwevashandi vanove zvizvarwa zvekunze.
“Ndinotyira kuti kunyangwe zvazvo isu takadzingirirwa, danho iri rinogona kukanganisa nyaya dzekusimukira kweupfumi kuSouth Africa munguva pfupi iri kutevera. Varimi vechichena vakasara vakangoyeva mapurazi avo pasina mushandi aiita basa racho,” vanodaro.
Mumwe wevakadzoka kubva kuSouth Africa, VaBancgwele Sibanda vekuPlumtree, vanoti gumbo ravo harife rakatsika kunyika iyi zvakare.
“Ndaiita basa rekunama simbi, nekudaro zviri nani kuti ndiwane basa rekuita kuno kumusha kana kuti ndikawana rubatsiro rwemari, ndinogona kutanga bhizimusi rangu diki,” vanodaro.
VaSibanda vanoti vakadzoka nebhegi rimwe chete rine mbatya shoma-shoma.
“Pakange pasina nguva yekurongedza zvinhu zvedu,” vanodaro.
VaBrighton Ncube vekuNtabazinduna, avo vaigara kuPolokwane kubva muna2008, vanoti vakadzoka ari ngori maoko chete uye vanotenda zvikuru kuti vadzoka muZimbabwe.
“Hapana nzvimbo yakanaka kudarika kumusha kwako. Ndakaenda kuSouth Africa muna 2008 asi hapana chandakadzoka nacho,” vanodaro.
Hurumende, ichishanda pamwe chete nevemachechi, masangano anobatsira vanotambura nemamwe mapoka, iri kuwanisa vanhu vari kudzoka kubva kuSouth Africa pekuti vambofanogara kwenguva pfupi paine hurongwa hwekuti vazokwanisa kuenda kudzimba dzavo.
Pamusoro pezvo, vanhu ava vachatsigirwa zvakare kuti vakwanise kuita mabhindauko akasiyana-siyana ekuti vawane raramo.




