‘Hatimbopa vanhu mishonga yakaipa’

Nqobile Tshili

VERUZHINJI vanokurudzirwa kuti vasaterere mashoko ari kutaurwa nevamwe vakuru vemachechi ekuti mushonga wekudzivirira chirwere cheCovid-19 (vaccines) une njodzi kuvanhu uye une chinangwa chekuda kuvakuvadzisa.

Hurumende inoti iri kutora matanho ose akakodzera ekuona kuti mushonga uyu hauna njodzi kuvanhu usati watanga kushandiswa munyika muno.

Vamwe vakuru vemachechi nevanhu vakasiyana vari kukonzera kuchema-chema kweveruzhinji mushure mekunge vati mushonga wekudzivirira chirwere cheCovid-19 uyu une donzvo rekukanganisa utano.

Kune vamwe zvakare vakuru vemachechi vari kukurudzira vatendi vavo kuti vasabvume kubaiwa majekiseni aya.

Zimbabwe iri mushishi yekuti iwaniswe mushonga uyu uyo Hurumende inoti uchatorwa nevanhu vanenge vachida mushure mekunge waonekwa kuti hauna njodzi kuutano.

Dr Agnes Mahomva – avo vanova Chief Co-ordinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiri wenyika nedare reCabinet – vanoti Hurumende iri kutora matanho ose ekuona kuti mushonga uyu hauna njodzi kuutano hwevanhu usati watanga kushandiswa.

“Tinovimbisa vanhu vari munharaunda, vakuru vemachechi nevamwe vakasiyana kuti Hurumende yakazvipira kuona kuti mishonga yekurapa kana yekudzivirira zvirwere haina njodzi kuvanhu. Hurumende haimbofa yakave nehurongwa hwekupa zvinhu zvinokuvadza kuvanhu. Ichi handicho chikonzero Hurumende iripo,” vanodaro Dr Mahomva.

“Saka apo tiri kufambira mberi nekurwisa denda iri, ticharamba tichipa ruzivo pamusoro pezvatiri kuita mukudzivirira kupararira kwechirwere ichi, kuona nezvevarwere kana zvemushonga wekudzivirira uyu. Tichazama nepatinogona kupa ruzivo rwakakodzera nekuti tinozviziva kuti tiri kukwikwidzana nezvimwe zvinobuda pamadandemutande akasiyana (social media) izvo kazhinji zvinenge zvisiri zvechokwadi,” vanodaro.

Dr Mahomva vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vazive kuti zvose zviri kuitwa neHurumende maringe nekurwisa kupararira kweCovid-19 zvine donzvo rekuvachengetedza.

Vanoti mushonga upi neupi wekurapa usati washandiswa muZimbabwe, unotanga waongororwa zvakasimba.

“Hatizi kutaura izvi chete kuvatungamiriri vemachechi, asi kunharaunda dzose dziri muZimbabwe kuti Hurumende haimbofa yakaronga kupa mishonga ine njodzi uye isina kunakira vanhu maringe nekurwisa Covid-19,” vanodaro Dr Mahomva.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tinotevedza zvinodiwa neveMedicines Control Authority of Zimbabwe avo vanogara vachiongorora mishonga yatinoshandisa. Tinotevedzera zvakare zvinodiwa nemasangano anoona nezveutano pasi rose, kunyanya World Health Organisation (WHO) nekuti ndiro sangano rinopa gwara pamusoro pekuti nyika dzingarape sei varwere nekudzivirira zvirwere.”

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×