Hatisi kutamba panyaya dzezvinodhaka: ZOC

SANGANO rinoona nezvemitambo reZimbabwe Olympic Commitee rinoti harisi kuita zvedambe nenyaya dzekushandiswa kwezvinodhaka nemishonga isingatenderwi zvichitevera kuwaniswa kwakaitwa nyika ino mari yekurwisa dambudziko iri kubva kune rimwe boka repasi pose.

Zimbabwe nguva pfupi yadarika, yakapihwa mari neveUnited Nations Educational, Scientific and Cultural Organization Fund for Elimination of Doping in Sport iyo ichashandiswa muzvirongwa zvekuvheneka vatambi kuti vaonekwe kuti havasi kushandisa zvinodhaka here pamwe nekuvadzidzisa kuti vasapinde mazviri.

Muhurukuro neKwayedza, administration officer kuZOC, Spiwe Nyamande-Kahiya, anoti chirongwa ichi chichange chiri maererano nezvinotarisirwa neveInternational Convention Against Doping in Sports pamwe nemitemo yakatarwa neveWorld Anti-Doping Code nedonzvo rekupedza kushandiswa kwezvinodhaka nevatambi.

Vakotsveri vechirongwa ichi vane shuviro yekuti vanenge vawaniswa mari iyi vatevedzere gwara rinodikanwa pakuvandudza pamwe nekudzidzisa veruzhinji kuti mhosva dzakadi dzinorevei.

“Bazi remitambo, tsika nemagariro rakati veZOC vanofanira kuronga zvine hungwaru mukuita chirongwa ichi,” akadaro.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×