Hatizivi pachadzoka nhabvu: PSL

Abel Ndooka

SANGANO rePremier Soccer League (PSL) rinoti harizive kuti nhabvu yemuno ichatanga kutambwa rinhi sezvo pari zvino vari kumbotevedzera mitemo yakatarwa neHurumende yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Kubva pakambomiswa mitambo yose munyika muno muna Kurume gore radarika apo pakatanga kunyuka denda reCovid-19, hakuna kuzombobvira kwatambwa mitambo yePSL.

Muhurukuro neKwayedza, chamangwiza wePSL – Kennedy ‘Kenny’ Ndebele – anoti pari zvino havasi kumbofunga pamusoro pekuti nhabvu ichadzoka rinhi sezvo nyika iri mushishi yekurwisa kupararira kwechirwere ichi.

“Tiri kutevedzera mitemo yeHurumende iri kukurudzira veruzhinji kuti vagare kudzimba,  takanzi tishandire kumba saka iye zvino takagara kumba uye tiri kushandira kudzimba dzedu.

“Nyika iye zvino iri palockdown, danho iro rakatorwa neHurumende kuti denda reCovid-19 risarambe richipararira. Saka isu tiri kutevedzera mutemo weHurumende. 

Nguva ino, nyaya yekuchengetedza hupenyu hwevanhu yakakosha zvikuru,” anodaro Ndebele.

Kubva pakanyuka chirwere cheCovid-19 gore rapera, kune dzimwe nyika dzakadai seSouth Africa, Zambia neTanzania nhabvu yakadzoka ikatanga kutambwa munhandare dzisina vatsigiri nechinangwa chekudzivirira kupararira kwedenda iri.

KuTanzania nhabvu ichiri kutambwa pamberi pevatsigiri uye nguva pfupi yadarika chikwata cheFC Platinum chakasangana necheSimba Sports Club kunyika iyi mumutambo weCAF Champions League qualifiers.

Gore radarika, zvikwata zvinokwikwidza muPSL zvakange zvambopihwa mvumo yekutanga kuita gadziriro dzazvo.

Izvi zvakaona chikwata chemaWarriors – icho pari zvino chiri kuCameroon uko chiri kukwikwidza mumutambo eCHAN – chiita gadziriro kuburikidza nekutamba mitambo yehushamwari nezvikwata zvemuno.

Mitambo iyi ndiyo yakashandiswa nemurairidzi wemaWarriors, Zdravko ‘Loga’ Logarusic, kusarudza vatambi vekuti vazopinda muchikwata chekuenda nacho kuCHAN.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×