‘Haugone kuchengeta mhuri’

Ashley Muchamiri
MUDZIMAI anogara kuHopley, muHarare, akaendesa murume wake kudare redzimhosva achida $1 500 yekuriritira vana vavo vatatu.

Sofia Chidhakwa akaudza dare reHarare Civil Court kuti murume wake, Cosmas Mbengo, haasi kuchengeta vana vavo zvisinei nekuti anotengesa zvirimwa pamusika weMbare achiwana $3 000 pamwedzi.

“Ndinoda kuti murume uyu andipewo $1 500 yemendenenzi yevana vatatu vandakaita naye avo vaasiri kuriritira,” anodaro.

Anoti Mbengo anotengesa pamusika wekuMbare achiwana $3 000 pamwedzi asi haariritire mhuri yake uye iyewo anotengesa zvinhu pamusika kuHopley achiwana $70 pamwedzi iyo isingakwane kuchengeta vana vavo.

“Ini ndinoshanda basa rekutengesa pamusika ndichiwana $70 pamwedzi. Murume wangu anoshanda kumusika weMbare achitengesa zvirimwa achiwana $3 000 pamwedzi asi haakwanise kuriritira mhuri,” anodaro.

Chidhakwa anoti vana vake vari kuenda kuzvikoro zvakazvimiririra nekuda kwekuti havana magwaro ekuzvarwa.

“Vana vangu vari kudzidza muzvikoro zvakazvimiririra nekuda kwekuti havana magwaro ekuzvarwa, baba vavo havana kuvatoresa,” anodaro.

Mbengo haana kuenda kudare kunopawo divi rake.

Mutongi Sheila Nanzombe anoti Mbengo abhadhare $450 pamwedzi yekuriritira vana vake.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *