Kubata-bata mukadzi pabasa kwamuparira

Muchaneta Chimuka
MURUME wekwaSeke —wekubata-bata magadziko emukadzi waanoshanda naye achimutyisidzira kuti aizoparadza wanano yake — akazoigochera pahutsi zvichitevera kutongerwa kwaakaita kuti abvise faindi ye$200 nedare reChitungwiza Magistrate’s Courts.

Comfort Nyamutowa (44) wepanhamba 1128 Unit G akabatwa nemhosva yekubata-bata magadziko aAlice Ngwenya (29) wepanhamba 22064 ikoko kuUnit G.

Mutongi wedare iri, Povetsa akamubvisisa faindi ye$200 uye kukundikana kwake achagara mujeri kwemwedzi miviri.

Muchichisi Norman Koropi akaudza dare kuti nemusi wa20 Chivabvu gore rino paMabamba Building iri kwaMakoni, Nyamutowa akabata-bata magadziko aNgwenya uye panguva imwe chete iyi achimutyisidzira kuti aizoparadza wanano yake.

Mushure mechiitiko ichi, Ngwenya akanomhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvikaita kuti Nyamutowa asungwe.

“Mhosva ndainzwisisa asi ndinoiramba yekuti ndakabata-bata magadziko emumhan’ari asi kuti iye ndiye akauya akanditukirira nezvinyadzi achiti ndiri kuda kumurambanisa nemurume wake uye pazvakaitika paitova nevamwe vanhu pabasa. Handina kana kumbobvapo,” anodaro Nyamutowa.

Zvisinei, dare rakamubata nemhosva zvichitevera umbowo hwaivepo kubva kuvafakazi.

“Pazuva iri mumhan’ari anova mumwe watinoshanda naye akandiudza kuti ainge abatwa magadziko naNyamutowa achiti pane zvinhu zvaakanga ari kutsvaga. Ndakabva ndamuyambira kuti aende kunomhan’ara,” anodaro Arthur Gunzvenzve anova mufakazi.

Related Posts

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Keith Moyo otevera matsimba ababa

Abel Ndooka MUTAMBI wenhabvu wechidiki ari kusimukira — Keith Moyo (13) — ari kutevera mumatsimba ababa vake, Godfrey “Goda” Moyo, avo vakaita mukurumbira vachitambira zvikwata zvinosanganisira Motor Action, Lengthens nemaWarriors.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×