Haungoyambuka rwizi

. . . unototanga wakanda dombo mumvura

Kingstone Mapupu —
KUBVIRA pasichigare, kune nzvimbo dzaiyera uye nanhasi uno dzimwe dzacho dzichiri kuyereswa kumatunhu akasiyana eZimbabwe.

Imwe yenzvimbo dzichiri kuyereswa iri kudunhu raMambo Chikwizo, kuMudzi, kuMashonaland East uko kune rwizi rwaNyamusanzara rwunonzi vanhu vose – vangave vachifamba netsoka kana nedzimotokari – vanofanira kutanga vakanda matombo mumvura vasati vayambuka.

Mumwe wevagari vemunzvimbo iyi, VaJoseph Kambudzi (48) vanoti vakakura tsika iyi ichitevedzwa kusvika iye zvino.

“Isu tiri masabhuku, saka inyaya yakagara ichikurudzirwa masabhuku nemadzishe, kuti tizivise vanhu vedu kuti vatevedze tsika iyi. Kwainzi kana masvika kumhiri kwerwizi urwu, mungava muchiyambuka nepazambuko kana kuti nemumvura, maitanga mashevedzera muri mhiri muchiti, ‘Nyamusanzara iwe, uri muroyi chitirega tiyambuke usatikuvadze!’ Madaro, munhu woga-woga wonhonga dombo mumahombekombe merwizi urwu worikanda mumvura.

“Kana madaro, ndipo pamunozoyambuka. Izvi zvainzi zvinoitirwa kubvisa vanhu minyama nematambudziko,” vanodaro VaKambudzi.

Vanoti kana vatyairi vemabhazi chaivo vaisvikomira, vanhu vose voburuka vokanda matombo kusvikira vose vapera, vodzokera mumabhazi avo vozoyambuka.

VaKambudzi vanoti izvi zvaiitwa paine fungidziro yekuti zvaipa rombo rakanaka rekuti vanhu vanenge vatevedzera tsika iyi vafambe zvakanaka pasina kusangana nematambudziko kana kuita tsaona.

“Mugwagwa unodarika neparwizi urwu unonobatanidza kuNyamapanda neRwenya. Parwizi urwu panonzi paiitika tsaona zvikuru makore ekuma1960 kusvika kuma1990 apo motokari dzinonzi dzaibheuka uyewo vanhu vachirumwa nemakarwe, vamwe vachiyeredzwa,” vanodaro VaKambudzi.

Zvisinei, vanoti havazive kuti tsika iyi yakatanga sei sezvo vakangokurawo zvichiitwa.

“Mazuva ano zvinonzi vamwe havachazvitevedza nekuti havazvizive uyewo vamwe vanoti havadi kutevedza chivanhu vachiti vanonamata,” vanodaro.

Vanotizve kare zvinonzi kusatevedza mhiko idzi kwaikonzera kuti vanhu vaone masaramusi murwizi urwu sekusangana nemagoritoto, zvipoko, kurasika musango nemumhute.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naMambo Chikwizo nekuda kwenyaya iyi sezvo pavakataurwa navo panhare vakati vaive vakabatikana nebasa.

Kunzvimbo imwe chete iyi ndiko uko vatori venhau veKwayedza vakamboona madzangaradzimu mumugwagwa apo vaive pabasa gore rapera.

Vatori venhau vakasangana nemadzangaradzimu aya apo vaibva kunotapa nhau kumusha kwen’anga inonzi Boroma Timanimoto Zefa kuNyanga.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×