Zvinoshandiswa hari

Kingstone Mapupu —
NYANZVI dzezvechivanhu dzinoti hari dzinoshandiswa mabasa akasiyana — mamwe akanaka neakaipa sekuroya. Izvi zvinotevera nyaya yemumwe mudzimai wekuGokwe anonzi kana akanzwa shungu dzekuda bonde, anotanangira hari ari musvo, izvo zvinoita kuti asazoda nemurume wake.

VaGeorge Kandiyero, avo vanova mukuru weZinatha, vanoti mudzimai uyu anogona kunge ari kuitwa mukadzi nezvikwambo zvinogara muhari yaanotanangira.

“Murume uyu akaroodzwa kumudzimai wezvikwambo, mukadzi uyu paanorara nazvo anobva agutswa.

‘‘Asi pekupedzisira mudzimai uyu achauraiwa nezvikwambo izvi pamwe chete nemurume wake sezvo zvisingade kugadzwa kwenguva refu pamunhu mumwe chete zvichida madzimai matsva nguva dzose,” vanodaro.

VaRichard Mombe (58), avo vanotengesa midziyo yechivanhu kuMupedzanhamo, kuMbare Msika, muHarare vanoti hari chishongo chemusha chisingade kushaikwa.

“Kare mudzimai akanga aroorwa chaaitanga kuratidzwa imba yake obva apihwa hari dzekuisa kuchikuva nedzekubikira. Izvo zvinonzi zvaibvisirwa mari yaizodzoserwa kumusha kwake,” vanodaro VaMombe.

Vanoti hari dzinopa chiremerera mudzimba.

“Tine hari dzekupira midzimu nemashavi umo munoiswa doro, dzimwe dzinochengeterwa mishonga yechivanhu nemafuta echidzimai. Asi kune dzimwewo dzinoguma dzave kushandiswa mabasa ehuroyi,” vanodaro VaMombe.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *