Haye osendeka tsiva

DAVID Haye (37) ari kutarisirwa kusendeka magirovhosi ake etsiva izvo zvichamuona achizorora kubva mumutambo uyo waatamba kwemakore anodarika 16. Izvi zvinotevera mashoko ange achibva kuruzhinji ekuti shasha iyi ngaichisiya tsiva.Haye akataura padandemutande reTwitter svondo rino kuti ramagwana rake acharizivisa nekuchimbidza uye SportsMail iri kuziva kuti akaronga kuti achisiya mutambo uyu zvichitevera kukundwa kwaakaitwa kaviri kakatevedzana naTony Bellew.

Vazhinji vanoti shasha iyi yaifanirwa kuve yakasiya tsiva paakakundwa naBellew pekutanga gore radarika, apo paakakuvara gumbo rake, uye kuzorikitwa kwaakaitwa zvakare mwedzi uno ndiko kwave kumutuma kuti achisiya mutambo uyu izvo zvakarakidza kuti haasisiriye mutambi waaive kare apo akahwina bhande reWBA heavyweight mugore ra2009.

Mabhande aakahwina mumakore masere ekutanga mumutambo uyu acharangarirwa zvikuru mumakore anotevera sezvo Haye akave mumwe wevatambi vetsiva vepamusoro kwemakore akawanda. Asi anoteverwa nenyaya dzakawanda dzinosvibisa zita rake kubva pakunyepera kutyoka chigumwe zvichitevera kukundwa kwaakaitwa naWladimir Klitschko uye kurwa naDereck Chisora pamberi pevatori venhau (press conference) zvichitevera kukundwa kwakaitwa Chisora naVitali Klitschko mugore ra2019. – SportsMail boxing

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *