Messi oshuwira World Cup

MUTAMBI weArgentina, Lionel Messi, anoti anoda chaizvo kuhwina mukombe weWorld Cup iyo ichatanga masvondo mashoma ari kutevera kuRussia. Shasha yeBarcelona iyi haasati ambohwina mukombe mukuru achitambira nyika yake uye anoti dai zvaikwanisika aishandura mumwe wemikombe 32 yaakahwina neBarcelona ouhwina nenyika yake.

Kaputeni weArgentina uyu aive muchikwata chakakundwa neGermany mufainari yeWorld Cup mugore ra2014 uye mwaka uno akahwina mikombe yakawanda neBarcelona.
Izvi zvakamuona achihwina La Liga uye neCopa del Rey.

“Ndaigona kushandura mukombe mumwe chete neBarcelona, kuushandura kuita wenyika yangu,” Messi akaudza El Trece.
“Kuhwina mukombe weArgentina zvinhu zvingave zvikuru kwandiri zvandingayemura.”

Zvisinei, Messi akataura hake kuti chikwata chaJorge Sampaoli hachisi chimwe chezvichatarisirwa kuhwina kuRussia pachatanga makwishu eWorld Cup musi wa14 Chikumi.

“Ndinovimba zvikuru nechikwata chino, tiri kushanda nesimba tese, tine vatambi vane tarenda guru uye tichasvika kure,” anodaro. – SportsMail Football

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *