‘Hazviite, hazviite zvachose!’

Kingstone Mapupu
SANGANO reZimbabwe Women Resource Centre and Network rinoshora zvikuru tsika inokurudzira vamwe madzitezvara kupinda pabonde nevaroora vavo. Mai Pamela Muhlanga, avo vanova mukuru wesangano iri, vanoti havatsigire tsika iyi. “Sangano redu rinotsigira tsika dzechivanhu asi kwete dzinosvika pakudzvinyirira madzimai nekuvashungurudza, tinopokana nazvo tinoti tsika dzakadaro ngadzipere,” vanodaro.

Diana Muroiwa (28) wekuBudiriro asi achibva kumaruwa ekwaSeke anoshorawo tsika dzakadai. “Uhu ndiwo hudzvinyiriri hwepamusoro. Ndonzi ini nditange ndarara nababa vemurume wangu? Zvino wandinozoti murume apa ndiyani?

“Kana iye murume wangu akawirirana nazvo ndinoenda kumba kwedu,” anodaro Muroiwa. Mashoko ake akatsigirwa naMai Martha Muronzi (57), vekwaShe Mutumba kuMadziva, kudunhu reMashonaland Central avo vanoti vanatezvara nevaroora vanoita izvi vanofanirwa kusungwa.

“Tsika dzakadai idzi ndedze humbwa. Kuti baba nemwanakomana wavo vanosangana pamukadzi mumwe chete? Inga kana ngozi chaiyo wani inotaurwa nayo, kana ichida kuripwa nemukadzi yozivisa mombe dzainoda,” vanodaro Mai Muronzi.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×