hd otsikisa dvd raUsandisiye

Abel Ndooka
MUIMBI weAfro-fusion neJazz – David “HD” Hondoyedzomba – anoti vaimbi ngavakoshese kubika mavhidhiyo kuitira kuti vafambirane nenguva sezvo anobatsira zvikuru mukuburitsa zvizere rwiyo rwunenge ruchiimbwa. HD, uyo parizvino ari mushishi kubika DVD redambarefu rake rinonzi “HD the Album” – anoti mavhidhiyo anenge akabikwa zvemhando yepamusoro anokwezva vatsigiri.

“Mazuva ano vanhu vave kunakidzwa nezvekuona nekudaro mavhidhiyo anobatsira kunyatsoburitsa nhau yezvaunenge uchiimba. Saka vaimbi ngatishandisei nzira iyi kutengesa mhanzi yedu nekuti kubika mavhindiyo emhando yepamusoro kunokwezva vatsigiri vemhanzi uye vakotsveri nemapuromota vanodira mari kuti mhanzi isimukire,” anodaro HD.

Anoenderera mberi achiti, “Tinofanirwa kufambirana nenguva, mhanzi ichibuda wobva waburitsawo nevhidhiyo yacho.”
Dambarefu raHD iri rine nziyo dzinosanganisira Usandisiye ako akaimba naRute Mbangwa, Chikonamombe, Yabvuta Rekeni nedzimwe dzakawanda.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×