Herentals, Black Rhinos Queens zvorwira Uhuru Cup

Veronica Gwaze

APO Zimbabwe iri kupemberera kusvitsa makore 45 yawana kuzvitonga kuzere nemusi weChishanu chino, mhemberero huru idzi dzichiitwa kwaNembudziya kuGokwe, veruzhinji vachange vaine chidokwa-dokwa chekuda kuonawo nhabvu yevanhukadzi.

Kekutanga munhoroondo, zvikwata zvikuru zvemuWomen’s Premier Soccer League – Herentals Queens neBlack Rhinos Queens – zvichabandana pamabiko ePresidential Children’s Party, chinove chirongwa chinoitwa pagore nemutungamiriri wenyika President Mnangagwa pamwechete nemhuri yavo kwasara zuva rimwechete kuti mhembererro dzeIndependence Day dziitwe.

Mutambo uyu uchatambirwa pachikoro cheNyamuroro High School nemusi wa17 Kubvumbi apo weIndependence Cup pakati peSimba Bhora neFC Platinum, uchatambirwawo kwaNembudziya.

Sachigaro weZimbabwe Women’s Premier Soccer League (ZWPSL), Theresa Maguraushe, anoti kukokwa kwakaitwa ligi ravo kumabiko aya kwakakosha zvakanyanya uye chiratidzo cheruremekedzo rwuri kupihwa kunhabvu yevanhukadzi.

“Zvinoreva zvakawanda kunhabvu yevanhukadzi kukokwa kuzotamba pachiitiko chikuru chakadai, pamberi paPresident,” anodaro.

“Inenge isisiri nyaya yenhabvu njee — iyi yave nyaya yebudiriro yenyika uye nebasa ratinonzwisiswa tichiita sevanhukadzi munhabvu.”

Mutambo pakati peHerentals neRhinos wagara uchiteverwa nevatsigiri vakawanda nekuda kwekuti unenge uchinakidza zvekukunda ngoma kurira.

Mwaka wadarika, Herentals yakasimudza mukombe weligi iri apo Rhinos yakapedza iri kumashure.

Zvikwata zviviri izvi zvakabandana zvekare svondo rapera pakuparurwa kwemwaka uno apo Herentals yakahwinha 3-1 kunhandare yeOne Commando Grounds.

Murairidzi weRhinos, Brian Derera, ari kutora mutambo uri kuuya semukanamwe kuti vatsive kukundwa kwavakaitwa svondo radarika.

“Mutambo uyu wagara usiri nyore uye zvekare kuti utorwe sewekutanga kwemwaka zvakabva zvaita kuti uomesese,” anodaro Derera.

Anoti vanofanirwa kuhwinha mutambo uri kutevera uyu.

“Tinofanirwa kuhwinha mukombe uyu. Kukunda Herentals mumutambo une chiremerera uyu kunotisimudzira — kwete nekuwana mukombe chete asi nekutisimbaradza tave kutamba zvekare muligi,” anodaro.

Nerimwe divi, murairidzi weHerentals —  Simbarashe Dedza — ari kutarisira kuti vacharamba vachikunda Black Rhinos.

“Zvinounza mufaro kuve chikamu chemhemberero dzekuwana kwenyika kuzvitonga kuzere,” anodaro Dedza.

“Kunze kwekurwira mukombe, mutambo neBlack Rhinos tagara tinoda kuti tiuhwine — toramba tichizvipa mbiri,” anodaro.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×