Marabha ashaya

Abel Ndooka

SHASHA yemadhirama anosetsa zvikuru – Charles ‘Marabha’ Merisi – ashaya.

Marabha ange ave nenguva refu achirwara.

Shamwari yake uyo waakashanda naye kwenguvarefu – Freddy ‘Kapfupi’ Manjalima – audza Kwayedza kuti atambirawo shoko rwerufu rwasahwira wake.

“Ndabva kutogamuchira shoko rwerufu rwaMarabha, saka ndiri kutogadzirira kutaura kuno kuti ndiende kunobata maoko kumba kwavo.

“Kana ndasvika panzvimbo ndichanyatsokuzivisai zvizere ndamboonana nehama dzake,” anodaro Kapfupi.

Zvakawanda zviri kutevera.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *