Veronica Gwaze
SHASHA yenhabvu yeZimbabwe Women Soccer League, Herentals Queens, iri kusimbaradza gadziriro dzayo zvichitevera kuiswa kwayakaitwa muboka rakaomarara mumutambo weCAF Champions League.
Kumutambo uyu, Herentals Queens, iyo inozivikanwa zvakare nezita rokuti “Vagoni Vebasa”, yakaiswa muGroup C, rine zvimwe zvikwata zvinoti Costa dol Sol yekuMozambique neOlympic de Moroni yekuComoros.
Mitambo iyi ichatanga musi wa22 Nyamavhuvhu uye ichapera musi wa31 Nyamavhuvhu kuUniversity of Johannesburg, kuSouth Africa. Inoshandiswa zvakare senzira yekurwira kuenda kumutambo weCOSAFA.
Kumutambo uyu, kune mapoka matatu. Boka rekutanga chete ndiro rine zvikwata zvina, mamwe ose ane zvitatu.
Zvikwata zvichapedza zviri pamusoro ndizvo zvichafambira mberi kuenda kusemi-final yemutambo uyu, pochizotsvagwa chimwe chete, icho chichapedza chiri pechipiri chine zvibodzwa zvakawanda kubva mumapoka ose.
Gore radarika, Herentals yakaenda kumutambo uyu, ikazoburitswa musemi-final neGaborone United yekuBotswana.
Muhurukuro, murairidzi weHerentals Queens — Simbarashe Dedza — anoti chikwata chake chiri kuenda kumutambo uyu kunorwa kunyangwe hazvo asati ave neruzivo rwakanyanya pamusoro pezvimwe zvikwata zvavachasangana nazvo.
“Draw haina kumira zvakanaka nokuti zvikwata zvimwe zvacho zvitsva kwatiri, saka hatikwanisi kufanotaura kana kufunga kuti mutambo uchange wakareruka here sezvo tisati tave neruzivo rwakanyanya pamusoro pazvo.
“Asi isu hatisi kuzoenda kunowedzera zvikwata, kwete. Tiri kugadzirira kuti tiende kunorwa uye tinofara chaizvo kuti chikwata chedu chiri kutitsigira zvakanyanya.
“Vatambi vedu vanoshanda nesimba, izvo zvaita kuti tihwinhe mikombe yakawanda, naizvozvo yave nguva kuti tichirwirewo mikuru yakaita seiyi yatiri kuenda kunorwira,” anodaro Dedza.



