HIV: Zvinongoda kuti muongororwe mose

Malven Mugadzikwa

SANGANO reNational AIDS Council (NAC) rinoti riri kushanda nesimba kuti vanhurume vapinde muzvirongwa zvekudzidziswa kuti vaongororwe utachiona hweHIV nezvimwewo zvirwere zvepabonde.

Dr Wilfred Dube, avo vanova provincial manager weNAC kudunhu reMashonaland Central, vanoti nguva yadarika vakaparura chirongwa cheBehavioral Change Community Motivator (BCCM) icho chinobatsira mukukurudzira vanhurume kuti vaongororwe HIV nezvimwe zvirwere zvepabonde.

“Kazhinji, vanhu vechirume vane dambudziko rekusada kuenda kuchipatara chero vakarwara kana nemusoro. Zvagara zviri mumagariro edu kuti varume vanowanzotuma madzimai nevana kuzvipatara kunotora chero mishonga.

“Munyaya yekuparadzirwa kwezvirwere zvepabonde, zvinoda muonera pamwe kuti varume vange vachiongorwawo sezvinoita madzimai. Chirongwa cheBCCM takaona kuti chakakosha chaizvo nekuti varume vazhinji kana madzimai akaongororwa akaonekwa asina utachiona vanongoti zvawawana kuchipatara ndizvowo zvandiri,” vanodaro.

Dr Dube vanoenderera mberi: “Izvi zviri kukonzeresa kupararira kweutachiona. Chirongwa ichi chakanangana nekudzidzisa varume kuti vafarire kuongororwa pamwe chete nemadzimai avo.”

VaJeremiah Manyika, avo vanove key populations co-ordinator kuNAC, vanoti vanhurume vanofanira kupinda muzvirongwa zvekupanana dzidziso maererano nekuti vangadzivirira sei kuparadzirwa kwezvirwere zvepabonde.

Dr Wilfred Dube

“Kubva mutsvagiridzo dzatiri kuita seNAC, tinoona kuti kune zvakawanda zvinoitika kuvanhurume nevanhukadzi izvo zvinoratidza kuti vanenge vasina ruzivo rwakakwana maererano nekudzivirira kuparadzirwa kwezvirwere zvepabonde. Zvakakosha kuti vanhu ava, kunyanya vari panjodzi yekutapurirwa zvirwere zvepabonde, vawaniswe dzidziso yakakwana,” vanodaro.

Chirongwa cheBCCM, vanodaro VaManyika, chiri kuitwa kunzvimbo dzakasiyana, zvikuru kunoungana vanhu vakawanda sekunoitwa zvechikorokoza.

“Tine nzvimbo dzakaita sekunocherwa zvicherwa, kunyanya goridhe, uko kunoungana vanhu. Nzvimbo idzi dzine mukana wekuparadzirwa kwezvirwere zvepabonde, kusanganisira utachiona hweHIV. Zvirongwa zvakaita seBCCM zvinobatsirawo zvakanyanya nekuti zvinenge zvakananga nechikamu chevarume kuchitiwo kuvakadzi nevechidiki kune zvirongwa zvirikowo zvakanangana navo,” vanodaro. Vanoenderera mberi vachiti, “Izvi zvinobatsira kuti tizive huwandu hwevanhu vari kupinda muzvirongwa zvekuderedza kuparadzirwa kweutachiona hweHIV. Tine muenzaniso wakafana nekushandiswa kwemakondomu, kune vanhurume nevanhukadzi vasingazive kuti anoshandiswa sei saka zvirongwa zvakaita seBCCM zvinobatsira zvakanyanya.”

VaMavhuto Katimbe, vanova sachigaro wechikwata chevanhurume cheBCCM paArcturus Mine, vanoti chirongwa ichi chiri kubatsira zvakanyanya.

“Chirongwa ichi tiri kufamba nacho paimba yoga-yoga muno tichikurudzira varume kuti tiite nhaurirano nekupanana kurudziro maererano nenzira dzekuti tisaparadzire zvirwere zvepabonde,” vanodaro.

Vanoti dzidziso iyi iri kupihwawo kune vechidiki.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×