MAONERO EDU – Mvura: Makanzuru musatambe nesu

MASVONDO maviri adarika muKwayedza takaburitsa nyaya yaiva nemusoro waiti, “Chi-town: Dhorobha renge ruzevha”.

Munyaya iyi tairondedzera sezvazviri, matambudziko makukutu ekunetsa kwemvura kuvagari vedhorobha iri uye kuti vanhu vave kunwa mvura yemuzvimatsime neyemunzizi iyo yakasviba.

Vamwe vakafunga kuti taireva nhema uye taiwedzera matambudziko ekunetsa kwemvura muChitungwiza, Harare nedzimwe nzvimbo dzakakomberedza.

Kwayedza yakagara yazvireva uye yazviona!

Kuti makanzuru haasisina shungu, ongorega vagari vachitambura.

Svondo rino zvabva zvanyatsobuda pachena kuti vose vanoda kuona vazvionere.

Kanzuru yeHarare yakangomuka yoti Morton Jaffray – muzinda unochenesa mvuya inonwiwa muHarare, Chitungwiza, Ruwa, Norton neEpworth – yavharwa.

Vanhu voenderera havo mberi nekunwa “tsvina” vakuru vekanzuru vagere tatata.

Kutyei? Ko vagara vanonwaka yekutenga yemumabhodhoro!

Makanzuru, – ayo ari kutungamirirwa nevanhu vebato reMDC-A – haasisina shungu nevanhu.

Mvura hakuna, marara haatakurwe, magetsi hakuna, migwagwa anongova makomba. Nechiiko chinosara?

Asi mitero vanoida.

Mvura yakakosha zvikuru muraramo yevanhu nekudaro kushaikwa kwayo kunoisa upenyu hwavo panjodzi inosanganisira kubatwa nezvirwere zvemanyoka secholera. Makanzuru ose ari munyika ino – angave mumaguta kana kumaruwa – ane basa guru rekuona kuti vanhu vari kumatunhu ari pasi pawo vawana mvura yakachena uye inokwana.

Zvino nemusi weMuvhuro uno, Harare yakazivisa veruzhinji kuti yavharisa Morton Jaffray nekuda kwekuti haisisina mishonga yekuchenesa mvura iyi.

Vakazongozviona svondo rino nhaika? Kumashure kwese vanga vari murima? Paya pavanonokora havaone kuti zvavanoshandisa zvaziyama? Kuzongomuka voshamisa ruzhinji . . . Kushamisira!

Izvi zvinoreva kuti vanhu vose vemuHarare, Chitungwiza, Ruwa, Nortong neEpworth vava panjodzi yekushaisisa mvura yakachena. Vazvijaira.

Mukati meguta reHarare, mune makambani akasiyana ayo anoda mvura zuva nezuva. Zvino kuvharwa kwemuzinda unochenesa mvura kwabva kwatowedzera dambudziko. Mvura shoma yange ichidzinina mumapombi yonzi hapasisina.  Makanzuru changamukai mhani! Mvura haizi yekuita dambe nayo. Makanzuru akaita seyeHarare anotofanirwa kukunya panyaya yekugadzirisa dambudziko remvura iri. Harare haifanire kumirira kusvikira zvinhu zvaita manyama amire nerongo asi kuti inofanirwa kutora matanho ekugadzirisa matambudziko ari kusangana nevagari nguva ichiripo.

Svondo rapera, Hurumende yakapa kanzuru yeHarare mari inosvika $37,4 miriyoni yakanangana nekugadzirisa dambudziko gugukutu rekushaikwa kwemvura iri. Danho rakatorwa neHurumende iri rinofanirwa kurumbidzwa zvikuru nekuti rinoratidza kuti ine chido nevanhu pamwoyo.

Kanzuru yeHarare ine vatungamiriri avo vanosanganisira makanzura akavhoterwa nevanhu kuti vange vachimirira zvido zvavo.

Makanzuru aya ngaarege kurara nezamu mukanwa asi kuti aite basa sebasa.Kanzuru yeHarare inonzi kwemwedzi mishanu yadarika yange isiri kuita basa rayo rekutora mimwe mitero kubva kuvagari vemuguta iri izvo zviri kuita kuti ishaye mari yekushandisa mumabasa ayo, kusanganisira yekutenga mishonga yekuchenesa mvura.

Kwete, kanzuru iyi ngairege kuita dambe neupenyu hwevanhu.

Makanzuru changamukai. Mvura upenyu!

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×