Varimi vezvirimwa zvidiki vowanda

Kingstone Mapupu

DUNHU reHarare rinonzi raita mukurumbira wekurimwa kwezvirimwa zvidiki zvakasiyana zvakadai semuriwo, matomatisi nezvimwewo izvo zvaita kuti upenyu hwevanhu huite nyore munyaya dzekuwana kudya kunovaka muviri.

Mashoko aya akataurwa naVaTrymore Dick (31) vanoita basa rekutengesa kukambani inosimudzira varimi vechidikdi yeStarke Ayres Charter Seeds.

Vanoti kambani yavo iri kudyidzana zvikuru nevarimi vari kuita basa rekurima mudunhu reHarare nenzvimbo dzakakomberedza izvo zviri kubatsira munyaya dzekuwanikwa kwemabasa akasiyana.

“Kambani yedu inonyanya kudyidzana nevarimi vanorima zvirimwa zvidiki zvemumapindu zvakaita semuriwo, matomatisi, derere nezvimwe izvo zvinokurumidza kupa varimi mari yakawanda yatinoti muchirungu horticulture. Varimi vakadai ava vari kuwanda zvikuru muguta reHarare nenzvimbo dzakakomberedza,” vanodaro.

VaDick vanoenderera mberi vachiti, “Izvi zviri kuita kuti zvirimwa zviwande muHarare. Tine vamwe varimi vatinodyidzana navo vave kutohodhesa zvirimwa zvavo kumisika yakaita seMbare, Machipisa, Hatcliffe, Chikwanha nekutengesa kumwe kwakasiyana. Vazhinji vevarimi ava vanowana mvura yekushandisa mumapindu avo zviri nyore,” vanodaro.

Kambani yavo, vanodaro VaDick, inozivikanwa  nekutengesa mbeu dzezvirimwa zvidiki uyewo nekudyidzana nemamwe makambani anotengesa mishonga yekuisa muzvirimwa.

“Tikabatsira varimi kuwana mbeu dzacho, tinoitawo kuti vazokwanisa kurwisa zvirwere muzvirimwa zvavo zvichiri muminda kana kuti zvakohwewa kuti zvisarumwe netumbuyu kana zvipfukuto. Tinoita shoo yedu yevarimi muno muHarare kamwechete pagore apo tinoona varimi vanopotsa vasvika zviuru zviviri pagungano iri, kureva kuti varimi vemudunhu reHarare vari kuwanda zvikuru,” vanodaro.

VaDick vanoti kamabani yavo ine varimisi vakawanda zvikuru vanofambira varimi vavo vachipanana mazano emarimiro ezvirimwa zvakasiyana.

“Sekambani, tine donzvo rekuti mumakore gumi ari kutevera munhu wese ane kamunda kake – mungava muchivanze chake kana mutuminda twavo – vange vave kurima zvekuti hakuna anofa nenzara. Tine vamwe varimi vari kurima macabbages emhando yepamusoro nehanyanisi. Tinoti vanoda zvavo kudzidziswa kurima mbeu dzedu vakasununguka kuuya kumahofisi kwedu vazobatsirwa,” vanodaro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *