Homwe ichabatsira vagari vekumaruwa

HURUMENDE ine hurongwa hwekuumba homwe yemari yekubatsira vagari vekumaruwa avo vakatarisana nedambudziko rekuparadzirwa zvirimwa zvavo pamwe nezvipfuyo nemhuka dzesango.

Vachitaura nguva pfupi yadarika muHarare, gurukota rezvenharaunda, mvura nemamiriro ekunze, Cde Oppah Muchinguri-Kashiri, vanoti homwe yemari iyi ichabatsira vagari vekumapurovhinzi akaita sekuMasvingo uko shumba dzinonzi dzarura nekudya zvipfuyo.

“Bazi redu riripo pakukoshesa kodzero dzevanhu vanogara kunzvimbo dzine zvikara zvesango, naizvozvo tichavabatsira muraramo yavo,” vanodaro.

Vanotiwo veruzhinji havafanire kugara munzvimbo dzisina kukodzera dzakaita sepedyo nenzizi kana nekunochengetwa mhuka dzesango vasina kupihwa mvumo sezvo zvichizokonzera matambudziko akawanda.

“Zvirimwa zviri kuparadzwa nemhuka, zvakare nemvura kune avo vari kugara pedyo nenzizi. Kunzvimbo dzakaita sekuChiredzi neBikita vanhu vari kutambudzwa nemhuka dzesango idzo dziri kuvaparadzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo,” vanodaro Cde Muchinguri-Kashiri.

“Shumba dzanetsa munzvimbo yeBikita nekudaro vanhu vave kutiza dzimba dzavo nekuda kweshumba idzi. Sekutaura kwevagari venharaunda iyi, vanoti mombe dzinopfuura 1 000 dzakauraiwa neshumba nguva yadarika,” vanodaro.

Dambudziko remhuka dzesango iri, vanodaro Cde Muchinguri-Kashiri, rave kuita kuti vamwe vanhu vapedzisire vave kuisira shumba idzi muchetura kuti dzife inova mhosva huru pasi pemutemo unoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka.

 

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×