‘Varimi vandudzai mashandiro’

SANGANO reZimbabwe Agricultural Society (ZAS) rinoti nyika ino inokwanisa kudzokera pachinzvimbo chayo chakare chekuve hurudza ndokunge mapoka ose achishanda pamwe chete mukutsigira varimi.

Chamangwiza weZAS, Dr Anxious Masuka, vakataura mashoko aya nguva yadarika kwaMutasa, kwaMutare, pagungano rekupihwa kwemubairo kumurimi akatora chidanho chechitatu mumakwikwi eHarare Agricultural Show (HAS) egore rapera.

Murimi uyu, VaJohn Chimboza, vakapihwa mubairo wemudhudhudhu kubva kuZAS, pombi yekudiridzisa nekambani yeMoney Maker pamwe chete nembeu yechibage yakabva kuSeed Co.

“Varimi vemuZimbabwe vanofanira kuziva kuti ivhu ratinaro munyika rakanaka zvekuti vanokwanisa kurima kudarika zviri kuitika pari zvino. Izvi zvinogoneka chete kana varimi vakaziva nguva yekurima, marimiro nezvirimwa zvekuisa panzvimbo yavanenge vachirimira pamwe nekutsigirwa zvizere nemapoka ose.

“Varimi vanofanirawo kuziva kwekutengesera zvavanokohwa nekuzvichengetedza. Nekuda kwekunetsa kuri kuita mvura yekunaya nemwaka yegore iyo yave kungosanduka, varimi vanofanira kuziva kuchengetedza mvura shoma inenge yanaya iyoyo. Izvi vanofanira kuzviita kuburukidza nekuchera matsime nemadhamu madiki anochengeta mvura,” vanodaro Dr Masuka.

Mashoko avo akatsinhirwa naagronomy and extension services manager kukambani yeSeed Co, VaIvan Craig, vachiti vari kubatana neZAS mukuvandudza nekudzidzisa varimi marimiro ane pundutso munyika.

“Takaronga pamwe chete neZAS kuti murimi wose anenge ahwinha paHAS anofanira kushanyirwa pamba pake nekambani yedu, ZAS nemamwewo masangano ari mune zvekurima. Izvi takaona kuti zvinokurudzira vamwe varimi kuti varime mbeu dzemhando yepamusoro nekuve neshuviro yekupinda mumakwikwi eHAS.

“Patinoshanyira murimi ndipo paanobva apihwa mibairo wake vemunharaunda vachiona. Ichi chitsvambe chatinenge tichipawo kune vamwe varimi kuti vaone kuti makwikwi eHAS ndeechokwadi, haasi ekunyepera uye munhu anopihwa zvaanenge avimbiswa pasina chitsotsi,” vanodaro VaCraig.

Vanotiwo varimi vanofanira kutsvaga nzira dzekurima dzinoenderana nekusanduka kuri kuita mwaka nemamiriro ekunze.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×