Honda Fit hutu nematsotsi iri pamba

Kingstone Mapupu

MURUME wekuAthlone, kuGweru akabirwa motokari yake yerudzi rweHonda Fit iyo yaive pamba pake munguva dzemambakwedza.

Inspector Emmanuel Mahoko vanova mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands vanoti motokari iyi yakabiwa nemusi wa23 Kurume.

“Tafadzwa Makanyawu (34) akamisa Honda Fit yake ine nhamba dzinoti ACN 0612 nenguva dza2145 hours. Akasiya akiya madhoo emotokari yake ndokuenda kunorara. Mangwanani acho akatevera nenguva dza0450 hours, Makanyawu akazoona kuti motokari yake yaiva yabiwa apo gedhi repamba apa raiva rasiiwa rakavhurika,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti vari kukumbira kuruzhinji kune vanoziva zvakaitika kuti vataurire mapurisa ari pedyo navo kuitira kuti vanhu vakaba motokari iyi vasungwe uye naiyowo igowanikwa.

“Tinokumbira kuruzhinji kune vane ruzivo nezvakaitika pakubiwa kwemotokari iyi vazivise mapurisa kuti makororo aya asungwe nekutiwo motokari iyi iwanikwe.

“Tinoshushikana nekuwanda kwenyaya dzekubiwa kwemotokari, zvikuru dzerudzi rweHonda Fit mudunhu redu reMidlands. Tinokurudzira vanhu kuti vaise ma’alarm’ padzimotokari dzavo nekugadzirawo magaraji ane masimbi uye nekupfuyawo imbwa pamisha senzira dzekuchengetedza midziyo yavo nemotokari kana kuisa varindi,” vanodaro Insp Mahoko.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×