Imba yonzwikwa mazwi evanhu vasingaonekwe . . . inotambirwa bhora pamusoro payo ne’zvipoko’

Kingstone Mapupu

MUNYAYA ine manenji mukati iri kuitika kwaSabhuku Chinamano kuDema kudunhu raMambo Seke, kune musha watadza kugarika apo pane imba inonzi yakavakwa pamusoro pemakuva umo mudzimba macho muri kunzwika mazwi evanhu vasingaonekwi achitaura kuti vashakabvu vanoda kuti makuva avo agadziriswe.

Imba iyi yakavakwa nenzira dzechizvino-zvino uye iri padyo nenzvimbo yemabhizimisi itsva yekwaChinamano uko kunozivikanwa zvekare sekuBooster.

Inonzi inonzwikwa mazwi evanhu vachitaura apo mudzimai anogarapo achinzi anomutswa husiku achitaurirwa nevanhu vasingaonekwe kuti agadzirise makuva avo ayo imba iyi yakavakirwa pamusoro pawo.

Pane imwe sitendi iri padivi pemba iyi inonzi ine makuva apo panonziwo vamwe vakomana vaichera mugodhi vakaona marangwanda emushakabvu achifamba akataura navo vakatiza pavaiita basa iri.

Imba yanetsa iyi inonzi inotambirwa bhora zvekare pamusoro pemba asi vanhu vakabuda kunze hapana munhu wavanoona.

VaKarikoga Dhiriza (73) vanova jinda raMambo Seke munzvimbo iyi vanotsinhira nyaya iyi.

“Inyaya yavhundutsa kuno kuDema kwaSeke,  tashamiswa nazvo. Pamba apa hapasi kugarika, amai vanochengetapo vakauya kwandiri vachitaura nyaya iyi yekuti kune mazwi ari kubuda mudzimba mavanogara achiti takavigwa pano tinoda kugadziriswa makuva edu. Vanoti vanomutswa husiku nemazwi vachitaurirwa  nzvimbo dzine makuva manomwe asi vozongobengenuka vanhu vanotaura navo pasisina. Pamusoro pemba panonzwikwa vanhu vachitamba bhora uyewo nekutoridzwa kwepembe nemheterwa asi vasingaonekwe,” vanodaro VaDhiriza.

Mudzimai anochengeta pamba apa awanikwa asipo pakashanyirwa nzvimbo iyi neKwayedza nemusi weChishanu chino achinzi aiva aenda kumasowe kunoshandirwa nekuda kwematambudziko aari kusangana nawo aya.

Zvisinei, mudzimai uyu – Mai Sofia Gukuta Jakarasi (54) – vakazotsinhira nyaya iyi panhare vachiti vashaiswa rugare nezvipoko izvo zvinotaura navo mumba zuva nezuva.

“Ndaona nhamo nekuda kwezvipoko zvinotaura mumba mandinogara zvichiti vafi vanoda kugadziriswa sezvo imba yandinogara yakavakwa pamusoro pemakuva. Zvakawanda zviri kuitika, kusanganisira kutambwa kwebhora pamusoro pemba,” vanodaro Mai Jakarasi.

Varidzi vemba iyi havana kuonekwa kana kutaurwa navo sezvo vanonzi vanogara kure kusina kuziviswa zita rako.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×