Mwanasikana (17) akangoenda izwi zvachose . . . haachagona kufamba

Kingstone Mapupu

MWANASIKANA ane makore 17 okuberekwa wekuHopley Zone 6, muHarare anonzi akangotanga kutadza kutaura ari kuchikoro kusvikira asisataure zvachose nekufamba kwenguva, muviri wake uchibva washaya simba nekudaro ave kugara akarara sezvo haachagona kufamba.

Munyaya iyi, iyo inofungidzirwa kuti ine chekuita nechivanhu kana kuti huroyi, mwanasikana uyu –  Trish Tambala – anonzi akangotanga kutadza kududza mazwi zvizere achibuda masiriri ndokubva izwi razongovhara zvachose gore rakapera.

Anonzi aigona zvikuru kuchikoro, dambudziko iri rakatanga ari Grade 7 rikaenderera mberi ava Form 1 uye rikazogodza ava Form 2 zvakazoita kuti atadze kuenderera mberi nechikoro.

Amai vake, Mai Ellen Ndala (42), vanoti Trish akaita searohwa nezvinhu zvehusiku pakatangisa dambudziko rake iri.

“Mwana uyu ndiye dangwe pavana vangu vashanu. Pakatanga dambudziko iri, akaita searohwa nezvinhu ava kutadza kutaura ari Grade 7. Zvakaramba zvakadaro ndokuzomira kutaura zvachose gore rakapera nekutadza kufamba nekudaro ave kungogara akarara. Takaenda kuzvipatara zvakasiyana akaitwa ma’scan’ akatsaukana kuchifungidzirwa kuti akaoma mitezo zvakaonekwa zvisizvo,” vanodaro Mai Ndala.

Vanoti mwana wavo akambogara muchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals kwemwedzi mitatu vanachiremba vachiedza kutsvaga chirwere chacho asi vakachishaya.

“Musikana uyu aidzidza kumusha kuBindura achigara nagogo ndokuzouya kuno kuHarare, nedambudziko iri akagumira Form 2, izvozvi angadai achiita Form 4. Akadziuka maronda mukanwa nekushaya mishonga inodiwa nekudaro  ndiri kumurumisa mutsine senzira yekumurapa,” vanodaro Mai Ndala.

Mutori wenhau uno akaedza kutaura naTrish arere mumba uyo aingochema pasina kugona kududza mazwi.

Mai Ndala vanoti mwanasikana wavo haachakwanisa kudya chikafu chakasimba chakaita sesadza uye anodya achipihwa ne’syringe’ chikafu chisina kusimba.

“Mari chaiyo yekumutengera mishonga inodiwa nekuti adzokere kuchipatara hatina. Anoda ma’pamper’ nesipo yekuwachisa neyekugezesa uye kudya kunofambirana naye. Anodawo wheechair, mbatya dzekumuchinja nemari yekuti arambe achienda ku’scan’ nekuzvipatara. Tapererwa, ini handishande uyewo zvakare baba vacho vanoita ma’piece jobs,'” vanodaro Mai Ndala.

Vanoenderera mberi vachiti: “Mwana uyu anodya bota rezviyo nekunwa mahewu nekumwe kudya kwakatsetseka kana zvinwiwa saka tinokumbira kubatsirwa.”

Vanoti vane shungu dzekuti dai mwana wavo apora akwanisa kudzokera kuchikoro zvakare agadzirire ramangwana rake.

Kune vanoda kubatsira Trish, vanoridza nhare panhamba dzinoti 0771 601 943.

Zvakadai, Dr Enock Maidah vekuchikamu chezvemishonga kuUniversity of Zimbabwe (UZ) vakakurudzira kuti Trish arambe achiendwa naye kuchipatara achinoonekwa nemachiremba uye vachitevedza zvose zvinodiwa.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×