‘Hongu takavharira zvitunha mumba’

Kingstone Mapupu —
MAI Judith Maruza (68) vanove mudzimai wemuchakabvu – Muzozo Phiri (80 – vanotsinhira kuti vakavharira mumba chitunhu chemurume wavo nechemwanakomana, James, vachitevedza zvaive zvasiya zvataurwa zvekuti vaizomuka.

“Ichokwadi takavharira zvitunha izvi mumba apo taitevedza zvaiva zvataurwa naJames uyo akatanga kufa. Akasiya ataura kuti kana afa taisafanirwa kumuviga asi kungomuvharira mumba apo aiti baba vake kana vazofawo taifanirwa kuvaita zvimwe chete. Akasiya ati iye aizomuka ozomutsa baba vake,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Taimbovhura mumba umu tichidongorera kuti tione kuti vakamuka here apo taingoona zvichingova zvitunha asi zvaisabuda honye.” Vanoti vane dambudziko zvakare revanasikana vavo vanomwe vasina kuroorwa uye kwavakambofamba vakataurirwa kuti izvi zvaikonzerwa nemurume wavo uyo anonzi aive akaromba mishonga inosanganisira wemangoromera. “Baba vaiva nehanzvadzi yavo n’anga yaigara kuNorton uko vanonzi vainotora mishonga yechivanhu saka hatizive kwakazobva dambudziko iri,” vanodaro.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *