Kunzwisisa zvizere pamusoro pebhero

Danai Chirawu

Chii chinonzi bhero (bail) —
Mushure mekunge wamhan’arira munhu ane zvaanenge akutadzira kumapurisa, apo paunoziva kuti asungwa zvinokupa kugatsikana mumoyo. Asi unozoshamisika zvakare waona musungwa uyu ave kufamba kunze achienderera mberi nehupenyu hwake nyaya iyi isati yapera kutongwa kumatare edzimhosva.

Izvi zvinodaro nekuti kana munhu amiswa mudare ane kodzero yekupihwa bhero achizoenderera mberi nekutongwa zvake.

Musungwa akadai anogona kupihwa bhero mushure mekunge abvisa mari zvichienderana nemamiriro akaita mhosva yaanenge achipomerwa.

Dzimwe nguva musungwa anogona zvakare kupihwa bhero mushure mekunge abatwa nemhosva apo anenge akwidza nyaya yake kumatare ari kumusoro kana kuita apiri (appeal).

Musungwa anopihwa bhero kuchitariswa kuti pasi pemutemo anenge achinzi haana mhosva kusvikira nyaya yake yatongwa zvizere.

Munhu kuti apihwe bhero, anofanira kupa umboo hunotaridza kuti haazotize mhosva yake isati yapera kutongwa. Kune mhando dzakasiyana dzebhero dzinogona kupihwa kumusungwa zvichienderera nepanenge pasvika nyaya yake.

Bhero rekumapurisa:

Zvakakosha kuziva kuti mupurisa ane nyembe dzinobvira paAssistant Inspector, officer- in-charge kana vamwe vari pamusoro ndivo vane kodzero yekupa musungwa bhero.

Bhero iri rinokwanisa kupihwa chete kana mutongi asipo sezvakaita sepamazuva eMugovera neSvondo kana kuti mazuva ezororo (public holidays) asi rinopihwa kumusungwa asiri kupomerwa mhosva yekubata chibharo, kuuraya munhu kana yekuita chitsotsi munyaya dzemari.

Musungwa anogona kunzi abvise mari yebhero uye kuti asiye pasipoti yake pamwe nekutaura paanogara sechivimbiso chekuti haazotize kubva munyika. Kana bhero rikasapihwa nemupurisa ane nyembe, musungwa anogona kuzorikumbira zvakare panopinda nyaya iyi mudare.

Bhero rinopihwa mudare nyaya ichizotongwa:

Musiyano uripo pakati pebhero rinopihwa munhu asati atongwa neapo paanenge atongwa nderekuti kana munhu akarikumbira asati atongwa anenge achinzi haana mhosva kusvikira nyaya yake yatongwa.

Pakupa musungwa bhero, matare edzimhosva anotarisa zvakasiyana zvakadai semamiriro anenge akaita nyaya yacho, mutongo waanogona kupihwa pamwe nekuti mapurisa anenge apedza kuferefeta nyaya yake here. Dzimwe nguva musungwa anenge achigara munzvimbo imwe chete nemumhan’ari uye anogona kumushungurudza nekuda kwenyaya inenge iri kumatare. Kuita kwakadai imhosva uye kutyora chibvumirano chakaita kuti musungwa apihwe bhero nekudaro kana akadai anosungwa oendeswa mutirongo.

Zvakadai, zvikonzero zvinogona kuita kuti musungwa apihwe bhero mushure mekubatwa nemhosva zvinosiyana nemamiriro anenge akaita nyaya yacho.

Kupihwa kwebhero mushure mekubatwa nemhosva:

Pane dzimwe nguva apo musungwa anowanikwa aine mhosva mudare yakadai sekubata chibharo asi achizopihwa bhero.

Izvi zvinoita kuti musungwa uyu dzimwe nguva atange kugara zvakare munzvimbo imwe chete nemumhan’ari zvinoita kuti vanhu vemunharunda vamuzvidze kana kumutarisira pasi.

Izvi zvinodaro nekuti musungwa anenge awanikwa aine mhosva asi iye oti nyaya yake inofanira kuongororwa zvakare nedare repamusoro.

Mukukumbira bhero iri mudare, musungwa anofanira kupa zvikonzero zvaanofunga kuti zvinoita kuti chikumbiro chake chitambirwe.

Apiri iyi inogona kunge iri pamusoro pekuwanikwa kwaanenge aitwa aine mhosva kana kuti mutongo waanenge apihwa uye mutongi anofanira kugutsikana kuti chikumbiro chebhero ichi chinogona kutambirwa.

Kana musungwa aonekwa akakodzera kupihwa bhero, anobhadhara mari kuna mabharani wedare, kupa zvibatiso zvemagwaro emidziyo yakadai semba yake kana kuti mimwe midziyo pamwe nepasipoti.

Musungwa anogona zvakare kunzi apote achienda kukamba yemapurisa ari pedyo naye pamazuva anenge atarwa achizivisa kuti achiripo haana kutiza mhosva yaanenge achipomerwa.

Chii chinoitika kumari nemimwe midziyo zvinenge zvaitwa chibatiso kuti musungwa ange achipihwa bhero? Kana musungwa akatevedzera zvose zvaanotarisirwa kuita paanenge apihwa bhero, anokwanisa kudzoserwa mari yake nezvimwe zvose zvaanenge aita chibatiso.

Izvi hazvinei nekuti azowanikwa aine mhosva yaanenge achipomerwa here kana kuti kwete.

Zvakadai, chinofanira kurangarirwa mushure mekuziva zvakawanda pamusoro pebhero ndechekuti bhero harizi mutongo wenguva pfupi unenge wapihwa nedare. Inzira chete yekuzadzisa kodzero yemusungwa yekuti ange akasununguka kusvikira nyaya yake yatongwa asi bhero iri haringopihwa zviri nyore.

Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×