Kingstone Mapupu
MHURI inogara kumindamirefu yeNivana, mudunhu raMambo Magonde, kuMhangura, kuMakonde, inoti yakashamiswa zvikuru nokuda kwehoromba yegudo yakashanyira misha yavo miviri yaichengeterwa mwanasikana anorwara ane makore 15 okuberekwa.
Vemhuri yekwaMasauti, avo vane mwanasikana ari kurwara, achirwisana nezvinhu zvisingaonekwi, vanoti vakashanyirwa pazuva rimwe chete negudo pamisha yavo miviri inoita majana ekuchengeta mwana uyu.
Clayton Masauti (24), anova hanzvadzi yemurwere, anoti ndiye akatanga kuona gudo iri. Anoti akariona richibva kumba kwehanzvadzi yake hombe, kwaimbogara murwere uyu.
“Tave nenguva refu hanzvadzi yedu yemakore 15 okuberekwa ichirwara. Anobatwa nemhepo kana kuti mweya, otanga kupfumba zvibhakera, achirovana nemunhu watisingaoni. Izvozvi akatotyoka ruoko nokuda kwekurwisana nevanhu vatisingaoni ava,” anodaro Clayton Masauti.
Anoti nokuda kweurwere uhwu, pavakafamba kumaporofita nekudzin’anga vakaudzwa kuti murwere ambobva pamba, izvo zvakaita kuti vambomuendese kumba kwehanzvadzi yavo nekwemukoma wavo mukuru.
“Hanzvadzi yedu iyi yarwara kwenguva yakareba. Zvine chivanhu mukati. Chishamiso chakazovepo ndechokuti takazoona gudo richibva nekumabvirazuva, rikasvikogara padombo riri pachivanze chekumba kwasisi kwaimbogara murwere, uko takanga tamubvisa tichimuendesa kumba kwamukoma,” anodaro.
Clayton Masauti anoti vakatarisana naro gudo iri, asi harina kumbovhunduka, kunyangwe pavakaripotsera nematombo.
“Vamwe vaiva pamba vakabuda mudzimba vachiona gudo iri pachivanze. Rakabva razosimuka roga, ndokutanga kutevedza mugwagwa watakashandisa kutakura murwere tichienda naye kumba kwamukoma. Pane nzvimbo yatakambozorora apo taiva nemurwere. Rakasvika rikazororawo ipapo,” anodaro.
Anoti vakatanga kutevera gudo iri nemugwagwa uyu, rikanosvika pamba pemukoma wavo, apo painge pochengetwa hanzvadzi yavo yekurwara iya.
“Horomba yegudo iyi yakanogara pasi pemuti, paruware zvakare, vanhu vaivepo vachibva vavhunduka, ndokubuda mumba vachiedza kuridzinga. Chinoshamisa ndechokuti gudo iri harina kutirimuka; rakaramba rakagara, izvo zvakavhundutsa vanhu.Vakabva vatanga kudzvamuka, vachitiza pamba,” anodaro Clayton Masauti
Anoti gudo iri rakazosimuka, ndokunodongorera mumba maiva nemurwere, richibva razotanga kufamba richienda nekumadokero.
“Nokuda kwemaitiro aya, zvakabuda pachena kuti gudo iri nderevaroyi. Vamwe vanoti zvikwambo zvaiva zvatumwa, zvinoda kupedzisa hanzvadzi yedu,” anodaro.
VaHonest Masauti (29), vanove hanzvadzi huru yemurwere, vanoti vari kuona zvishamiso zvakawanda nokuda kweurwere uhwu.
“Hatisisina zano sezvo kubvira kurwara kwaita hanzvadzi yedu makore matatu adarika, pamba pedu pane manenji akawanda ari kuitika, kusanganisira kuonekwa kwegudo uku. Ratakaona iri harisi gudo; chokwadi ndechokuti masaramusi evaroyi,” vanodaro VaHonest Masauti.
Vanoti chikonzero chokuti hanzvadzi yavo imbonzi ibve pamba ndechokuti pamusha pevabereki vavo panonzi pakaiswa mhiko dziri kukonzera urwere uhwu.
“Baba vakashaika; tangosara naamai chete. Nyaya yokuti hanzvadzi yedu inzi ibve pamba yakataurwa kudzin’anga nekumaporofita. Zvakanzi ikaramba iri pamba inoshaika,” vanodaro VaHonest Masauti.
Vanoti, nokuda kwekushanyirwa negudo pamisha yavo miviri, vakabva vatakurana nemurwere kuenda naye kuHarare.
“Kushanyirwa negudo uku zvakanzi mashura, saka vemweya vakabva vatitaurira kuti timbobvisa murwere uyu pamusha,” vanodaro VaHonest Masauti.
Musikana ari kurwara uyu, uyo ane zita ratiri kuchengetedza sezvo asati abve zera, anoti nguva zhinji haazivi zvaanenge achiita kunze kwekuona rima.
“Kazhinji handizivi zvandinoita. Kana zvandibata, ndinozongonzwa kuti ndinenge ndichimhanya kana kurwisana nezvinhu zvisingaonekwi. Ndakambokuvara ruoko mugore ra2017, rwukapora. Nokuda kwekurwa nevanhu vandisingaoni, ruoko urwu rwakabva rwatyoka zvakare,” anodaro.
Anoti mukufamba kwavakaita, havana kukwanisa kuenda naamai vavo kana mumwewo munhu wechikuru.
“Tafamba tiri toga, amai vasipo, nevamwe vakuru nokuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana. Kwatakatama tichiuya kuMhangura kune hama dzedu dzakawanda. Hadziuyi kuzotiona. Hatizivi kuti nechikonzero chei,” anodaro.
Pastor Hazvinei Muchefa, vechechi yeRECFEMI Ministries, yemuHarare, vanoti kushanyirwa negudo kuri paviri. Vanoti rinogona kunge rakabva musango kana kuti rine uroyi mukati.
“Nyaya iripo ndeyokuti murwere uyu anoda kubatsirwa kuzvipatara nekumweya. Hakuna chisingakundiki kuna Mwari, saka vanofanirwa kubatsirwa nekukasika,” vanodaro Pastor Muchefa.



