Hukama hweZim, South Korea hwosimbaradzwa

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE yeSouth Korea yakabatsira Zimbabwe nemari inosvika US$5 miriyoni kuburikidza neboka reKorea International Cooperation Agency (KOICA) iyo ichabatsaira zvakanyanya kutsigira zvirongwa zvemakore maviri zvekurwisa kusanduka kwemamiriro ekunze.

Zvirongwa izvi, izvo zviri kuitwa neHurumende yeZimbabwe yakabatana neUnicef, zvinosanganisira kusimudzira vechidiki vanobva kumhuri dzinotambura munyaya dzedzidzo neutano, pakati pezvimwe.

Vachitaura pachiitiko ichi paKuwadzana 3 High School muHarare svondo rino, gurukota rezvenharaunda, kusanduka kwemamiriro ekunze nemhuka – Dr Sithembiso Nyoni – vanoti vanotenda zvikuru Hurumende yeSouth Korea nerutsigiro urwu vachiti rwauya panguva iyo nyika iri kutambudzwa zvakanyanya nenyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze.

Kusanduka kwemamiriro ekunze uku kuri kuuya nenzira dzakadai sedutu remhepo rine simba rakanyanya, mvura yekunaya yakawandisa nekupisa kwakanyanya kana kutonhora kwakanyanya.

“Kusanduka kwemamiriro ekunze kuri kukanganisa zvikuru raramo yevechidiki apo vana vanokundikana kuenda kuchikoro nekuti bhiriji ravanoshandisa rinenge rayeredzwa nemvura kana kuti zvikoro zvadonhedzwa nedutu remhepo. Saka kuuya kwerutsigiro urwu kuchaita kuti tivake  zvivakwa zvakasimba zvakadai sezvikoro zvakakwirira, mabhiriji ari mudenga nezvimwe zvinoita kuti vana vasarasikirwe nedzidzo yavo  yakakosha. Tinoda kuti upenyu hwevanhu uye zvipfuyo huve hwakachengetedzeka,” vanodaro.

Vanoti rutsigiro urwu rwuri kutarisirwa kubatsira vanhu vakawanda munyika.

Mumiriri weSouth Korea muZimbabwe, Ambassador Park Kyung, vanoti chirongwa ichi chakakosha zvikuru nekuti chichabatsira mukuwaniswa kwechikafu, utano nedzidzo kunyanya yevana vanobva kumhuri dzinotambura.

Mai Etona Ekole vanove mumiririri weUnicef muZimbabwe vanotiwo panoda mushandirapamwe mukurwisa nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze.

“Ramangwana redu riri mumaoko evechidiki saka zvakakosha kuti vawaniswe rutsigiro rwunoendeka. Dzidziso yakakosha maringe nekuchengetedzwa kwenharaunda uye kusimbaradzwa kwemitemo inotsigira nyaya idzi. Vechidiki vanofanira kudzidziswa nezvekukosha kwekuchengetedza mvura, kusanganisira zvirongwa zvekukohwa mvura nekuchengetedza nharaunda kuti igare yakachena,” vanodaro.

Zvakadai, South Korea iri kuita zvimwe zvirongwa muZimbabwe izvo zvinosanganisira kusimudzira mabhindauko ekuchengetwa kwehuku kumaruwa.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *