Go Warriors Go!

Abel Ndooka

CHIKWATA chenhabvu chemaWarriors chiri kupinda muhondo musi weChina chino apo chichasangana neBenin mumutambo wekurwira kuenda ku2026 FIFA World Cup uyo uchatambirwa kunyika nhatu dzinoti United States of America, Mexico neCanada.

Mutambo wezvikwata zviri izvi uchatambirwa  kunhandare yeMoses Mabhida Stadium kuDurban kuSouth Africa iyo ichange ichishandiswa sepamusha nemaWarriors.

MaWarriors neBenin zviri muboka rimwechete reGroup C umo mune zvimwe zvikwata zvinoti Rwanda, South Africa, Lesotho neNigeria.

Parizvino maWarriors ndiwo akasenga ari pasi muboka iri sezvo pamitambo mina yaatamba, akwanisa kungowana zvibodzwa zviviri chete.

Izvi zvinoreva kuti chikwata ichi – icho chiri kutungamirirwa naMichael Nees – chinotofanirwa kutosunga dzisimbe kana chichida kubudirira kubva muboka iri kuti chigoenda ku2026 World Cup.

Svondo radarika, Nees akadoma chikwata chakasimba icho chinosanganisira Knowledge Musona uyo akabvuma kudzoka kuzotambira maWarriors mushure mekumbosendeka kutambira Zimbabwe mugore ra2022.

Achitaura pavhidhiyo rakaburitswa papeji reZIFA repaX, Nees anoti chikwata chake chiri kutarisira zvakanyanya mutambo uyu kuDurban uko kwavajairira kutambira.

Anoti anoda kuti chikwata chake chitambe nhabvu yepamusoro.

“Tiri kutarisira zvikuru mutambo uyu, tange tane mwedzi mina tisati tasangana, asi apa tasangana takasimba. Tine chikwata chakakura saka tichasarudza vatambi vatichaona kuti vachabata basa sebasa mumitambo yatakatarisana nayo.

“Tiri kutambira kuDurban uko kwatajairira kutambira uye kune vatsigiri vedu vakawanda. Tinofara kuti vakawanda vachauya kuzotitsigira uye vasingakwanise kuuya tinovimba kuti vachange vachititevera pazvirongwa zvakasiyana vachitiona tichitamba,” anodaro Nees.

Zvakadaro, maWarriors achipedza kutamba neBenin, achabva ananga kuNigeria uko achanosangana nemaSuper Eagles mune mumwe mutambo wemuGroup C wekurwira kuenda ku2026 FIFA World Cup.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *