Ray Bande
MWANASIKANA ane makore masere ekuberekwa wekuNyanga akabatwa chibharo kakawanda nevarume vatatu pamwechete nemukomana wechidiki apo aibva kuchikoro achienda kumba kwavo.
Mumwe mupari wemhosva iyi akashandisa mavhidhiyo ezvinyadzi mukukwezva mwana uyu kuti amubate chibharo apo aimutyisidzira kuti aizofumura nyaya yake yekushinha nemumwe munhu wekutanga.
Vari kupomerwa mhosva iyi, avo vanosanganisira Justice Nyakuchena (29), vakatomiswa pamberi pemutongi Mai Phethukile Msipa mudare reMutare Regional Court.
Muchuchisi VaLast Goredema vakatsanangura pamusoro pekubatwa chibharo kwakaitwa mwana uyu.
Hapana hukama huripo pakati pevasungwa ava nemumhan’ari.
Dare rakaziviswa kuti mumwedzi waKubvumbi gore rapera, Nyakuchena akaenda mugadheni maive nemwana uyu achibva akumbira kushinha naye asi akaramba.
Akabva audza mwana uyu kuti kana akaramba chikumbiro chake aizonoudza baba vake kuti ainge akamboshinha naWebster Bhurangeti munguva yadarika.
Panguva iyi, Nyakuchena anonzi akabva ashandisa chisimba ndokudhonza mwana uyu achimubudisa mugadheni kwave kunomubata chibharo kamwechete musango.
Kubva pazuva iroro, Nyakuchena akaramba achibata mwana uyu chibharo kakawanda munzvimbo dzakasiyana apo aibva kuchikoro.
Nyaya iyi yakazobuda pachena nomusi wa3 Mbudzi gore rapera kuma5 zuva rodoka apo baba vemumhan’ari vakaona kuti akanga ari kunonoka kudzoka kuchikoro.
Vakabvunza mwana uyu achibva adura kuti akanga ari kubatwa chibharo munguva zhinji apo aibva kuchikoro naNyakuchena.
Dare rakaziviswa zvekare nemwana uyu kuti Webster Bhurangeti, Nyakuchena, Wilfred Bhurangeti nemumwe mukomana ane makore 16 okuberekwa ndivo vakamubata chibharo.
Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa anova akaenda kunoona nzvimbo dzaakabatirwa chibharo.
Mwana uyu akaendeswa kuchipatara cheNyanga District Hospital uko akanovhenekwa uye magwaro ekwachiremba akabudiswa mudare seumbowo.
Mutongi Msipa vakapa Nyakuchena chirango chekugara mujeri kwemakore 17.
Webster Bhurangeti (19) akamiswawo pamberi pedare rimwechete iri nemhosva yechibharo.
Dare rakaziviswa kuti mumwedzi waKubvumbi 2024, Webster Bhurangeti akaenda kugadheni kwaive nemwana uyu achibva atanga kumuratidza mavhidhiyo ane zvinyadzi aive munharembozha yake.
Webster Bhurangeti akabva abvunza mwana uyu kuti aikwanisa here kuita zvimwechetezvo nezvainge aona asi akamuudza kuti ainge achiri mudiki kwazvo kuti aite zvebonde.
Akabva abata mwana uyu ruoko nechisimba kwave kunomubata chibharo vari pakati pesango.
Kubva pazuva iri, Bhurangeti anonzi akaramba achiita katsika kekubata chibharo mwana uyu kakawanda apo aibva kuchikoro.
Mai Msipa vakatongera Wilfred naWebster Bhurangeti chirango chekugara mujeri kwemakore maviri pamumwe nemumwe wavo.
Vakazobvisa makore mashanu pazvirango zvavo vese nechitsidzo chekuti havafaniri kupara imwe mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati apfuura.
Mukomana ane makore 16 ekuberekwa akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore mashanu ayo akazosendekwa ose parutivi.



