Hurumende yopembedza kusimudzirwa kwemutauro

KAMBANI yeZimpapers, kuburikidza nebepanhau reKwayedza, svondo rapera yakarumbidzwa zvikuru nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari nebasa rairi kuita rekusimudzira kudzidzwa kweShona muzvikoro.
Vachitaura pamabiko akaitwa paimwe hotera muHarare nemusi weChina wadarika, apo paipihwa vana vakakunda mumakwikwi ekunyora nhetembo, eDetemba Tinzwe, Deputy Director of Infant Education and Learner Welfare Services kubazi redzidzo, VaJemious T. Muguwe, vakati bepanhau reKwayedza riri kushanda zvikuru mukusimudzira chiShona.

“Chokwadi zvandaona pano zvinokunda ngoma kurira, zvanditokonya. Vana pamwe nemi vadzidzisi nevabereki torai veKwayedza semucherechedzo wakanaka. Isu tiri kurwisa tsika yekutanga kudzidziswa kwevana veECD mutauro wechiRungu ivo vasati vagona rurimi rwaamai. Tinoda kuti vana vakure vari nyanzvi mururimi rwaamai,” vakadaro VaMuguwe.

Mashoko avo akatsinhirwa nemukuru wedzidzo kudunhu reGlen View-Mufakose, VaDavid Zuweni, avo vakati kambani yeZimpapers, kuburikidza neKwayedza, iri kupa rutsigiro rwakakomba mukusimudzira dzidzo.

“Tinokutendai veKwayedza nerutsigiro rwamunotipa, chokwadi mabiko emaDistrict Merit Awards anopenya kuburikidza nekuverengwa neruzhinji rwenyika ino zvinova ndizvo zvamunotiitira. Rurimi rwaamai rwange rwakanganikwa asi imi muripo pakumutsa mutauro wedu uyo wanga warasirwa kwakadaro,” vakadaro VaZuweni.

VaZuweni vakagashidza Kwayedza chitupa chemucherechedzo webasa guru rairi kuita mukudzidziswa kweShona muzvikoro.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×