Mukadzi orariswa muchimbuzi. . . achipomerwa kudanana nemukuwasha

PANE mudzimai wemuHarare ane nyaya iri kumatare uyo ari kuti aoneswa chitsvuku nemurume wake uyo anomupomera kudanana nemukuwasha zvekuti dzimwe nguva anomborariswa muchimbuzi chiri panze.
Shylet Chiyambiro akamhan’arira Tonderai Nyambawaro kuHarare Civil Court achiti amushaisa rugare.
“Baba ava imhondi chaiyo, havana kana rudo. Vane chibhanditi chiri mavari nekuti vanondizvambura zuva nezuva uye ndave kuita kunge kambuya nenhamo nekurohwa, ” akadaro Chiyambiro.

Akaenderera mberi achiti: “Anondituka pamberi pevana achinditi ‘haubatsire, haushande, unopedza mari yangu uchingodya, kutofuta kudarika ini’. Ndinombotukwa ndichinzi ‘zipfambi remukadzi, zidofo’.”

Akati zvakare akadzingwa pamba achipomerwa kuita chipfambi.
“Svondo rega-rega handishaye mazuva andinorariswa panze nechando chiriko ichi. Ndinotozopinda muchimbuzi chepanze ndorara. Upenyu hwandiomera ishe wangu, ndibatsireiwo baba ava vasati vandiuraya.

“Vakandidzinga vachinditi dzokera kumba kwevabereki vako asi vava kunditevera zvakare vachindirova pamberi pevabereki vangu. Ndaneta, kana iri imba yacho ngaigare hayo ndofira chii? Handichadi ngaandipe gupuro kana kuti ini ndotomupa,” akadaro Chiyambiro.

Nyambawaro haana kuwirirana nezvaitaurwa naChiyambiro achiti:
“Mukadzi uyu itsotsi, aitonditamba chitaundi. Akange achifonerana nekuswera nemukuwasha. Ndakazomubvunza akandinyepera kuti ari kutsvagirwa basa nemukuwasha zvandaiva ndisingazive. Ndizvo zvandakamuzhagadira, kunditamba chibharanzi inini.” Chiyambiro akabva amugamha achiti ainyepera dare.

“Ishe wangu, murume uyu anondinyebera kunditumidza mazita aya akanga aona kuti ndiri kutsvagirwa basa nemukuwasha iye ave kuti ndazozviitirei saka ndinodanana naye. Kundichengeta kwacho haandichengete, ndoita nhumbi dzekuita woma ndikupfeke nezvemukati chaizvo ndinofamba ndichipindwa nemhepo asi iye achipfeka mabhachi emari. Anonditi haushande nekuti uri kuda kuwana mukana wekuita chipfambi asi handizvo, kutotsvaga kurarama,” akadaro Chiyambiro.

Mutongi Babra Masinire akapa Chiyambiro gwaro redziviro ndokuti Nyambawaro asamushungurudze nenzira ipi zvayo.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×