Nqobile Bhebhe
HURUMENDE inoti ine chinangwa chekuti nyika irime mupunga unokwanirana mumakore mashanu ari kutevera, zvichibva pahwaro hwakasimba hwekuburwa kwembeu yepamusoro-soro, kutsigirwa kwevarmi pamwe nemushandirapamwe nemasangano epasi rose.
Mwongo wechirongwa ichi uri pakusimbaradza nyaya yekuburwa kwembeu inokwanisa kurimwa pamahekita 50 000, rinove danho guru mukuderedza mari inoshandiswa mukutenga mupunga kubva kunze pamwechete nekuita kuti chikafu chive chinokwanirana munyika.
Munyori mukuru mubazi rezvekurima, kusimudzirwa kwenyaya dzemishina pamwechete nedzemvura,
Professor Obert Jiri, vanoti mapoka akasiyana-siyana avari kushanda nawo akazvipira mukuona budiriro yechirongwa ichi.
“Hurongwa hwacho hwakajeka, hwakatenderanwa uye vatiri kushanda navo vanotitsigira varipo,” vanodaro.
Prof Jiri vanoti donzvo guru rechirongwa ichi nderekuona kuti Zimbabwe yarima mupunga unokwanirana mukati menguva yakatarwa, nyaya huru iri yekuona kuti mbeu iripo sezvo ndiyo iri kudzosera budiriro yechirongwa ichi kumashure.
“Saka hurongwa hwedu ndehwekuti mukati memakore mashanu, tinokwanisa kubura mupunga wose watinoda munyika.
“Zvatange tichiita parizvino ndezvekuona kuti hurongwa uhu hwakajeka, hwabvumiranwa uye kuti vanotitsigira vari kufara here nekuti, kunze kwekungorima mupunga, panofanirwa kuve nehwaro hwakasimba, hunove mbeu yekurima mupunga. Apa ndipo pane zvigozherwo.
“Saka tange tichishanda nevamwe vedu kuitira kuti tive nembeu yakawanda nechinangwa chekuti mukati memakore mashanu ari kutevera tinge tave nembeu inokwanirana yekurima mahekita 50 000 kana kudarika atinoda emupunga,” vanodaro.
Prof Jiri vanoti kushanda kuri kuita bazi ravo nemasangano anotsigira nyaya dzekurima pasi rose kuri kubatsira zvakanyanya mukufambiswa kwechirongwa ichi, apo Japan iriyo iri pamusoro pakubatsira nemhando dzembeu dzemupunga pamwechete neunyanzvi.
“Japan iri kubatsira zvakanyanya uye tinotenda nekudyidzana uku pamwe nemushandirapamwe watinawo.
“Tarisiro yedu ndeyekuti hwaro hwakanaka hwavepo, tinoziva kuti mhando dzemupunga dzeNew Rice for Africa (Nerica) dzinokwanisa
kurimwa muZimbabwe nokudaro chasara kutangwa kwebasa racho, kusarudza nzvimbo dzakakodzera pamwe nevarimi vacho uye danho rinozotevera nderekuvandudza mupunga uchigadziriswa zvinhu zvakasiyana,” vanodaro.
Mhando dzemupunga dzeNerica dzinozivikanwa nekukwanisa kurimwa dzichipa goho guru munyika dzemuAfrica nekuda kwemamiriro ekunze anokodzerana nadzo uye dzinotirira muzuva zvakare.
Kunze kwekurimwa kwemupunga, Hurumende iri mushishi zvakare kugadzirisa nyaya dzemutengo wechirimwa ichi kuitira kuti varimi vawane pundutso mubasa ravo.
Prof Jiri vanoti Hurumende iri kushanda kuti pave nemutengo wemupunga unofambirana nehukoshi hwekupinza chirimwa ichi munyika kubva kunze, kuitira kuti chirongwa ichi chiendeke.
PIX: PROFESSOR Obert Jiri (kuruboshwe) vachitaridzwa mupunga wemhando yeNerica 1 uyo wave pedyo nekuda kukohwewa naVaBonani Moyo vanove muridzi weRainhan Plot kuDzivarasekwa muHarare nemusi weChishanu svondo rapera.



