Huwori kumachechi hwawanda: Bishop

BISHOP Richard Muriritirwa
BISHOP Richard Muriritirwa

MUKURU weimwe chechi ari kushora mamwe mafundisi nemaporofita vane tsika yekunyepera vanhu kuti vanokwanisa kuvabatsira pamatambudziko avanenge vachisangana nawo ane chekuita nezvemweya asi vaine chinangwa chekuvarozva. Bishop Richard Muriritirwa (48), vechechi yeRock Ministries Dombo raMwari, iyo ine muzinda wayo kuHatfield, muHarare, vanoti kumwe kunamata kwava kuitwa mazuva ano ndekwekurasisa vanhu sezvo makororo, mhondi, mhombwe, nevanotyora mitemo vawanda muzvitendero izvi.

“Kune vakawanda vari kuumba machechi kana kutungamirira machechi vasina kushevedzwa naMwari, vaine zvinangwa zvemabasa avo akasiyana. Tinozonzwa kuti madzimai abatwa zvibharo, kwabiwa mari.

“Izvi zvinoburitsa pachena kuti vanhu ava havasi vanamati chaivo vanotevedza mirairo yaMwari,” vakadaro Bishop Muriritirwa.
Vanoti nguwo chena inofanirwa kurakidza hutsvene hwevanhu vanodzipfeka.

Bishop Muriritirwa vakataura mashoko aya mushure mekunge vabatsira imwe mhuri ine mwana aitambudzwa nemweya yakaipa.
“Mwanasikana uyu akaroorwa kwaHonde Valley, uye akatanga kurwara ari kumurume wake kwaMutare apo aibatwa nemweya yetsvina yaida kuti aroye asi vauya pano mweya mutsvene wakabata pavari, tikavadzikinura,” vakadaro.

Vanoti kubatsira vanhu ngakuitwe pachena, mungava mumachechi nedzimwe nzvimbo, kwete musango nemumakomo uko veruzhinji vanozonzwa kuti vamwe vanhukadzi vari kubatwa chibharo.

“Mwana watakabatsira uyu aibatwa nemweya waitaura kuti waida kumushandisa mabasa ekuroya apo airwara nekupunzika achimboita seafa.”
Mashoko avo akatsinhirwa naoverseer wechechi iyi, Mai Margarate Muriritirwa (44), avo vaibatsirawo kunamatira mwanasikana uyu.
Overseer Muriritirwa vakati kunamatira vanhu nekupedza matambudziko kuburikidza nesimba raMwari hakubhadhariswe.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×