Huyai, tinokugashirai: President

Joseph Madzimure naEllen Chasokela
PRESIDENT Mnangagwa vanokurudzira vezvemabhizimisi vekunyika yeChina kuti vatore mikana iripo yekuita mabhizimisi muZimbabwe muchikamu chezvekushanya, – zvikuru kudunhu reMashonaland West neMatabeleland North.

Vanorumbidza purovhinzi yeZhezhiang Province of China nekudyidzana uye kushanda kwairi kuita nematunhu maviri emuno aya munyaya dzezvekushanya.

Vachitaura pagungano rakapindwa nevemabhizimisi vekuChina pamwe chete nevemuZimbabwe nemusi weChipiri chino muHarare, President Mnangagwa vanoti nyika ino ine mukana yakakura yekuita mabhizimisi muchikamu chezvekushanyirwa.

Chikwata chavanamuzvinhabhizimisi vekuChina ichi chaitungamiriwa naMuzvare Ge Huin avo vanove sachigaro weChina People’s Political Consultative Conference (CPPCC), boka rezvematongerwo enyika rinova chipangamazano.

“Ndinonzwa kufara kuti Zhezhiang Province ine chido nenyika yedu uye kuti inoda kuita mabhizimisi mumaguta edu. Kushanda pamwe chete kweZhezhiang Province nemapurovhinzi edu kuchabatsira zvikuru mukusimudzira budiriro kunzvimbo dzose dziri munyika medu,” vanodaro President Mnangagwa.

Vanoti dunhu reMatabeleland North rine mikana yakawanda yekuita mabhizimisi mune zvekushanyirwa sezvo kuri iko kunowanikwa chimwe chezvishamiso zvinonwe zvepasi rose (Seventh Natural Wonder of the World) – mapopoma eVictoria Falls.

President Mnangagwa vanoti vezvemabhizimisi vekunze vanotambirwa munyika muno nemawoko maviri kuti vabatsire mukuvakwa nekukura kweguta reVictoria Falls City,

“Nyaya dzezvemhuka mupurovhinzi iyi dzinopa zvakare mikana yekuita mapurojekiti anopa pundutso,” vanodaro.

Pari zvino pane hurongwa hwekuti Victoria Falls City itange kudyidzana neJinhua City of China izvo zvakakosha zvikuru munyaya dzebudiriro.

President Mnangagwa vanoti dunhu reMashonaland West rine mikana yakawanda zvakare yekuita mabhizimizi anosimudzira chikamu chezvekushanyirwa munyika sezvo iine nzvimbo dzinouya vashanyi dzakadai seKariba, Mana Pools neChinhoyi Caves.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *