Hwindi akamitisa mukadzi akaremara ndokurova pasi

Orpah Mukotekwa
HWINDI wekumitisa mukadzi akaremara makumbo ndokuzoshaya hanyn’a nekuchengeta mwana wake akazopedzwa chiri kumeso apo akaendeswa kudare.

Selina Guba akamhan’arira John Mudhara kuHarare Civil Court achida mendenenzi yekuchengeta mwana wake.

“Changamire vangu, ndauya kuno ndichida kuti baba ava vandibhadhare $100 yemendenenzi. Zviri kundiomera kuchengeta mwana ndiri ndega iye nyakutumbura ari mupenyu zvake achigara hupenyu hwehumambo nemudzimai vake.

“Baba ava vakandimitisa vachitora mukana wekuti ndakaremara makumbo sezvamuri kungoona, ndinofamba ndichigwesha. Ndinoita mabasa ekutengesa airtime nemafruits pamusika wemakombi saka mari yandiri kuwana haisi kukwana sezvo vanhu vasiri kunyatsotenga zvekuti ndingangomire nekamari ikako ini nemwana zvese,” akadaro Guba.

“Baba ava vanoshanda pabasa pandinoshandawo vachidaidzira makombi. Chinhu chandinoziva kuti vakadeedzera kombi vanopihwa $1 zvekuti panozoperera zuva vanoenda kumba vaine $40 saka ngaachengete mwana wake. Mwana anofanira kuchengetwa nababa naamai vese kana vachiri vapenyu saka zviri kuitika pandiri ndezvekuti ndini ndega ndave kuona moto nekuchengeta mwana.

“Zvese zvaari kurotomoka muno achiudza dare kuti ane vamwe vana 5 handiwirirane nazvo. Hongu, ndozviziva kuti munhu ane mukadzi asi ndoziva kuti ane mwana mumwe chete. Zvaari kutaura zvekuti auya nemukadzi wake kuti ape umboo hwekuti vane vana 5 handinei nazvo, chandinoda ndechekuti vaburitse mabirth certificate anoratidza kuti ndiye baba vacho.

Mudhara akapikisana nemashoko aGuba achiti:

“Mukadzi uyu anonyepa. Zvese zvaari kutaura zvekuti ndinowana $40 pazuva manyepo ake chaiwo. Izvozvi makombi haana bhizinesi rakanaka sezvo mapurisa ari kungoramba ari teki-teki nesu. Mazuva ano kana kubasa kwacho handisi kutomboenda, ndiri munhu akatoomerwawo neupenyu. Ndine mukadzi nevana vashanu kumba uko zvekuti nhasi ndauya nemukadzi wangu kuti apewo umboo hwekuti tine vana vangani. Dai zvaibvira ndaikumbirisa dare rino kuti ndimubhadhare $30 nekuti ndiyo yandingatokwanise.”

Mutongi Barbra Masinire akati Mudhara abhadhare $40 pamwedzi yekuchengeta mwana wake.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×