‘Nditongei patsva, ndakamborasika’

Tatenda Moyo
VANHU vaiva mudare vakakatyamadzwa mushure mekunge mumwe murume ati aida kuti mutongo wakapihwa pazuva raasina kuenda kunozvimiririra, wekuti abvise mari yemendenenzi yekuchengeta mwana wake, usendekwe padivi, nyaya iyi yotongwa patsva.

Nigel Kaseke akaendesa Charlene Moyas kuHarare Civil Court achida kuti nyaya yavo itongwe zvakare.

“Changamire, musi wakatarwa pagwaro wekuuya kudare ndakanyatsouona asi kuti chidhindo chacho chaisaoneka kuti dare racho nderipi. Ini ndine dare rimwe chete randinoziva pariri, iHarare Criminal Court, kuRotten Row.

“Uyezve handisati ndambosungwa kana kupomerwa mhaka saka ndanga ndisingafembere kuti dare racho nderipi chairo. Ndakatoswera kudare kwacho ndichitonetsekana kuti dai ndaudzwawoka kuti vanhu havasi kuuya ndatoswera ndichitoitawo zvinhu zvisvinu zvekuriritira vana vangu. Mapurisa ndiwo akatozondibatsira, hezvo nhasi ndiri pano,” akadaro Kaseke.

“Vedare, $200 yemendenenzi yandakanzi ndibhadhare handiikwanise asi kuti $80 nekubhadhara chikoro pamusoro. Nditori nevamwe vana vashanu saka ndikabhadhara mari yakawanda kudai hameno kuti ndinenge ndave kuzovariritirawo sei. Imba yatinogara ndinomboirendesa kuvanhu vechechi kuti ndikwanise kuunganidza mari sezvo rangu basa kuri kutengesa zvinwiwa nemabhanzi.

“Nditori nechikwereti chandakatora kubhanga mushure mekuda kutorerwa imba saka ndiko kuri kuenda imwe mari zhinji, mukadzi uyu anozviziva. Anonyanya kuda mari zvemhanga-mhanga nekuti ndinogara ndichimutumira paEcoCash kasingaperi. Ari kufunga kuti handizvizive kuti ari kuda kundichengetesa vana vemumwe murume vaakaita. “Pamusoro pezvo, iye wacho anotenga nekutengesa saka ngaapote achibatsirawo pane kungomirira ini. Ndiri munhuwo uye mwana ndewedu tose saka akada kuita zvekundikaurisa anotambura mwana wedu,” akadaro Kaseke.

Moyas akati Kaseke ainyepera dare sezvo akange asina imba asi kuti “lodge” nekudaro mari yekuchengeta mwana anayo.

“Murume anoreva nhema uyu vedare, musi waari kuti akarasika dare akaenda risiri iro akange atombondiudza kuti haasi kuda kuuya kudare. Manje akagonekwa kana aifunga kuti kusauya ndiko kuzvipedza.

“Kana akarasika nhasi pano azopasvika sei? Ndiko kamuitiro kake, ari kutokunyeperai kuti ane imba inorendeswa kuchechi asi kuti i’lodge’ raanotowana mari zuva roga-roga,” akadaro Moyas.

“Zvaari kuti anotumira mari neEcoCash ndezvekunyepa. Chinangwa chaari kutaurira kuti akatumira neEcoCash ndechokuti anofunga kuti hazvina umboo, manje pamberi pedare hapanyepwi. Kuda kutozvirova dundundu ini achindicheka nerakagomara?

“Ini ndine vamwe vana vandakaita ndisati ndasangana naye vanodawo kuchengetwa kunze kwewedu atiunza kudare uyu. Uyu ndiye munhu anobata mari manje asi ari kuda kunyepedzera kunzwisa tsitsi pamberi pedare, ndinoda $200 kwete sendi raari kuda kundipa iri,” akadaro Moyas.

Mutongi Barbra Masinire akati nyaya yevaviri ava yaizodzoka zvakare mudare.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×