Hwindi mukuru akasungwa

Kingstone Mapupu

Mukuru wemahwindi anoshandira paCharge-Office, muguta reHarare,  akasungwa nemapurisa svondo rakapera.

Solomon Svikiro Mandela (49) akabatirwa mhosva yekumanikidza vanhu kupinda mumakombi nemumabhazi ndokubhadhariswa faindi ye$100.

Mandela — uyo anozivikanwa nekuti Mukoma Solo — akasungwa nemusi wa19 Kukadzi nemhosva inonzi “touting” muchirungu.

Kwayedza ine gwaro rinoratidza kuti Solo — uyo anoshanda sacustomer care officer uye transport consultant kumakombi nemabhazi emuHarare — akabhadhariswa faindi ye$100 yekubvuma mhosva yake.

Solo akabuda muKwayedza resvondo rapera nerimwe repamushure achinyunyuta pamusoro pehuwori hwaanoti huri kuitwa nemamwe mapurisa anoshandira mumugwagwa avo vaanoti vanovatorera mari dzechiokomuhomwe zuva roga-roga.

Muchinda uyu achangobva kubuda pachena zvakare achiti mahwindi ari kupera  kufa neHIV neAIDS nekuda kwekusazvibata kana vachinge vabata mari.

Zvichakadai, mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti semapurisa, havasi kuzodzokera kumashure panyaya yekusunga mahwindi vanoita basa rekushevedzera motokari nekudhonza vanhu kuti vapinde mumakombi nemumabhazi.

“Imhosva kuti munhu aite basa rekushevedzera makombi kana mabhazi vachidhonza vanhu kuvaisa mumabhazi avo, vanosungwa vobhadhara mafaindi kana kuenda kumatare edzimhosva. Inyaya inozivikanwa kuti mahwindi epanaFourth (yave kunzi Simon Muzenda Street) vanomirira kudhonza vanhu vanoenda kwaMutare kana kuMarondera, vari kupomerwa mhosva yekukonzera kufa kwemumwe murume inova nyaya ichiri kumatare edzimhosva. Nekudaro semapurisa, hatibvumire nyaya dzakadai,” vanodaro Ascom Nyathi.

Vanoti kune vanhu vakawanda vanenge vachifamba nzendo dzavo vanoguma vabirwa kana kukuvara kuburikidza nekudhonzwa nemahwindi.

“Iyambiro yedu huru kuti anowanikwa achishevedzera makombi kana mabhazi panzvimbo dzisingabvumidzwe nekudhonza vanhu kuti vapinde mumabhazi avo vanosungwa votarisana nemhosva                            dzavo.”

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×