Odhonorwa nezvikomba zvemukadzi

Courtney Munodawafa

MURUME wekuEpworth anoti akagurwa kunorira neaimbove mudzimai wake zvichitevera kutiza kwaakamuita apo akarwara uye iye zvino ari kuuya kumba nezvikomba zvake vachimurwisa.

Potsipiri Nyamowa akamhan’arira Susan Phiri kudare reHarare Civil Court achikumbira gwaro redziviriro.

Nyamowa anoti Phiri aimbova mudzimai wake uye akamutiza paakarwara gore rapfuura nekudaro haadi kuti asvike pamba paari kugara.

Mutongi Tilda Mazhande akapa Nyamowa gwaro rinomudzivirira asi akati Phiri haarambidzwe kusvika pamba sezvo iri imba yavo yewanano iyo yavakavaka vose.

“Wandamhan’arira aimbova mudzimai wangu asi hatichagare tese. Ndakarwara 15 May 2019, ndakaputika zamu pakatanga kubuda hurwa. Mudzimai uyu akanditiza akaenda kwamai vake. Tainge takaroorana kwemakore 13.

“Maiguru vangu ndivo vandave kugara navo avo vari kupota vachigeza zvivanga zvangu sezvo pachibuda hurwa,” anodaro.

Nyamowa anoti Phiri ane katsika kekuuya kumba nezvikomba zvake vachimurwisa.

“Mukadzi uyu anouya nezvikomba achindituka nekundirova. Anondituka achiti haasi kuda kundiona pamba apa. Dai dare randibatsira rarambidza mukadzi uyu kuuya pamba pangu sezvo ndiri kuda kudzoka kuzogara kumba kwangu ndiite zvandinoda.

“Imba takavaka tese asi kana zvichibvira ngaabvise zvinhu zvaakaunza semahwindo nemarata,” anodaro.

Phiri haana kuenda kudare kuti anopawo divi rake

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×