Hwindi oudza gogo kuti ‘hamuna dhiri’

Memory Lemani
AMBUYA vekuoneswa pfumvu nekushungurudzwa nemuzukuru wavo wavakarera, uyo anove hwindi, vakazopotera kudare redzimhosva.

Rhoda Chiwara akadhonzera Desmond Soko kuHarare Civil Court achiti ari kumufurufusha zvisina mukare akamboona.

“Ndakagara nemwana uyu kubvira ari mudiki mushure mekunge vabereki vake vose vashaya. Ndinotarisirawo kuti semunhu wandakarera kubva ari mudiki, anofanirwa kundiremekedza uye kundipawo chinzvimbo changu sambuya vake.

“Anotoona kunge iye ndiye atova mukuru kwandiri achinditonga pamba pangu. Handizivi kuti kuchengeta kwandakamuita ndakakanganisa here. Mugoona, ndakatomuendesawo kuchikoro akadzidza asi haadi kutsvaga basa. Chaanogona kunwa doro seanopenga nekuenda kunoita basa rehuhwindi kwaanoswera akangodhakwa,” akadaro Chiwara.

Akati Soko haana kana rukudzo naye uye anomuona semunhu wenhando.

“Ndikada kumutsiura anondiudza kuti mbuya hamuna kana dhiri, makasara. Akashaya mari yedoro anotora midziyo yangu mumba achitengesa. Akaona kuti ashaya chekuti atengese mumba anopopota nekundituka.

“Akaramba aripo pamba pangu chokwadi ndinofa neBP. Kana ndikada kumutuma kundibatsira mabasa epamba chaiwo haabvume,” akadaro.

Soko haana kuuya kudare.

Mutongi Audrey Tarugarira akagamuchira chikumbiro chaChiwara chegwaro redziviriro akati Soko atsvage kwake kwekugara sezvo abva zera.

Related Posts

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×