‘Hwindi wekombi anoda kuva mutano’

SANGANO idzva rinomirira vatyairi vemakombi, vemabhazi pamwe chete nemahwindi, reZimbabwe Union of Drivers and Conductors, rinoti rinokoshesa zvikuru utano hwenhengo dzaro uye chishuwo charo ndechekuti vabatsirwe panyaya dzeutano kubirikidza nekurapwa pasi pechirongwa che”medical aid”.

Mutungamiriri wesangano iri, VaFradreck Maguramhinga, vanoti vatyairi pamwe chete nemahwindi vanofanira kuva neutano hwakanaka sevamwewo vanhu.

“Dambudziko guru riri kusangana nevatyairi vemakombi pamwe chete nemahwindi nderekuti havasi kuwana mukana wekubatsirwa kana takatarisana nenyaya dzeutano. “Vazhinji vavo vanongoshanda basa iri vachiti paraperera ndipapo, haana kana penjeni kana chii zvinoitawo kuti chero zvimwe zvinhu zvakaita sema’medical aid’ havana. Vazhinji vavo panopera basa vanotadza kurapisa mhuri dzavo kana vabereki nekuti mari yacho vanenge vasisina,” vakadaro VaMaguramhinga.

Vanoti zvinonetsa kuti vatyairi vemakombi, vemabhazi pamwe nemahwindi vave nema”medical aid” nekuda kwemashandiro avo ayo asina kunyatsoti tsvikiti.

VaMaguramhinga vanoti vachaita hurukuro nevaridzi vemabhazi nevemakombi yakananga kuona kuti vashandi vavo vangabatsirikane sei panyaya dzeutano kuburikidza nekurapwa ne”medical aid”.

“Varidzi vemakombi vanongopa munhu basa pasina kusainirana pasi kana kuvaudza kuti vachashanda kwenguva yakadii. Izvi zvinoitawo kuti zvakare vatyairi vakaenda kune vezvipatara pamwe chete nevanopa ma’medical aid’ vanorambirwa kuti vapihwe rubatsiro vachinzi havana pekubatira mari yavo sezvo vazhinji vacho vasina kana mapay slip.

“Saka tinoda kuti titaure nevaridzi vemakombi kuti vakwanise kupa vatyairi mapay slip vawanewo mikana yekubatsirwa nema’medical aid’ nezvimwewo zvekuti vachengetedze mari dzavo. Tiri kudawo kuti titaure nevemabhangi kuti vabvume kuti vavhure maakaundi kwavanopota vachiisa mari dzavo.”

VaMaguramhinga vanoti zvakakosha kuti vatyairi pamwe nemahwindi vave neutano hwakanaka nekuti zvinoita kuti vaite basa ravo vakasununguka.

Related Posts

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×