‘Ichokwadi, ndinorova murume’

Gamuchirai Muzanenhamu
MUDZIMAI wekumiswa mudare neaimbove murume wake achinzi anomurova anotsinhira kuti ichokwadi kuti anomuzvambaradza nechikonzero chekuti anopedzera mari kushamwarikadzi asi mwana wavo achidzingwa kuchikoro nenyaya yekusabhadharirwa mari.

Tongai Mtizamhepo akaendesa Viola Mutsvairo kuHarare Civil Court achikumbira gwaro rerunyararo.

“Aimbova mudzimai wangu saka ava kuita basa rekundituka pese patinosangana kunyangwe nekubasa kwangu achitaura mashoko anonyadzisa zvese nekurwadza,” anodaro.

Anoti dzimwe nguva anosvika pakurohwa naMutsvairo iye ozozvibatawo semunhurume kuti asapare mhosva.

“Dzimwe nguva anondirova ini ndotozozvibata semunhu wemurume kuti ndisapare mhosva nekuti ndinosvika pakurwadziwa achingondirova chete otozobatwa nevamwe,” anodaro.

Achibvunzwa nedare kuti ndezvipi zvikonzero zvinoita kuti arove Mtizamhepo, Mutsvairo anoti anenge achida mari yemwana yechikoro.

“Ndaimurova nekuti airamba kundipa mari yechikoro yemwana saka hasha dzaindibata ndopedzesera ndava kumurova nekuti mwana anenge ava kudzingwa kuchikoro apa iye achidya mari neshamwarikadzi dzake,” anodaro.

Anoti haasisina basa naMtizamhepo sezvo akaenda kudare remendenenzi akanzi anofanira kupihwa mari yekuchengeta mwana wavo.

“Mupei henyu chikumbiro chake, handisisina basa naye. Ndakaenda kudare remendenenzi akanzi andipe mari yekuchengeta mwana,” anodaro Mutsvairo.

Mutongi Larzin Ncube akapa Mtizamhepo gwaro rerunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *