‘Ifa iwe, hauna basa!’

Lizzy Mushoriwa
VAMWE samusha vakachema-chema mudare re- dzimhosva vachiti mudzimai wavo anogara achivataurira kuti kunyangwe vakafa, haana basa nazvo sezvo vasiri chizvarwa chemuZimbabwe.

Constantine Manirikiza akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa nemudzimai wake, Rudo Manirikiza. Rudo akaudza dare kuti murume wake anomushungurudza achimuti anoroya uye ipfambi yemakoko.

“Changamire, baba ava vanogara vachindirova, kundituka kuti ndiri pfambi uye muroyi. Vanoti zvakare tsaona yavakaita ndini ndakazvikonzeresa.

“Anonditi zvakare ndinoba mari muzvitoro zvedu. Baba ava vanoudza vana kuti vasanditerere nekuti ini handina mari, nechikonzero ichocho vana vave kuterera baba vavo bedzi, kwete ini. Ndinoda kuti mundidzivirirewo Changamire,” anodaro Rudo. Constantine anopikisana nechikumbiro chaRudo achiti zvose zvaanoreva manyepo.

“Zvose zviri kutaurwa manyepo, ini handina kumbomurova kana kumutuka. Pandakaita tsaona aiva asingandichengete mukadzi uyu, aigara asipo apa hapana chandaikwanisa kuita.

“Anogara achiti kunyangwe ini ndikafa, hazvina basa nekuti handisi wemuno munyika. Hanzi haana basa neni uye kufa kwangu hazvimbomurwadza. Vana vaanoti ndinofurira vakatomuvengera hunhu hwake,” anodaro Constantine.

Mutongi Larzin Ncube akapa Rudo gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *